Muimbi (8) abura kambo ‘Trabablas Yakapera’

Abel Ndooka

MUIMBI wechidiki ari kusimukira ane makore masere ekuberekwa — Pride Chamangwana — akabura kambo kake kanonzi “Trabablas Yakapera”, ako kanopemberera basa guru rakabatwa neHurumende pakuvakwa kweTrabablas Interchange muHarare.

Zambuko iri rakavhurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika, President Mnangagwa, mwedzi wadarika uye riri kubatsira zvakanyanya mukufamba zvakanaka kwemotokari dzinoenda kunzvimbo dzakasiyana-siyana.

Pride — uyo anonyanya kuzivikanwa saYoung Chamaz, achiimba musambo weAfro-sounds nedancehall — akabura kambo kake aka zvichitevera kuvhurwa kwezambuko iri.

“Ndakaona basa rakanaka rakaitwa neHurumende kuburikidza naPresident vedu, President Mnangagwa, pakavakwa zambuko reTrabablas Interchange, iro rinoyevedza zvikuru, saka ndakabva ndatsikisa kambo kangu kanonzi ‘Trabablas Yakapera’.

“Basa rakabatwa paTrabablas Interchange rinoyevedza zvikuru uye isu sevana vemuZimbabwe tinofanirwa kuzvipemberera nekuti, sekutaura kunogara kuchiita President vedu, nyika inovakwa nevene vayo,” anodaro.

Trabablas Interchange

Young Chamaz, uyo ari muGrade 3 pane chimwe chikoro muHarare, akatanga kuimba achiri chindumurwa.

Kusvika pari zvino akwanisa kutsikisa dambarefu rimwe chete rinonzi “Vainditarisira Pasi”, iro rine nziyo nhanhatu.

Padambarefu iri pane kambo kanonzi “Tambirai”, kaakaimba nemuimbi ane mukurumbira weZimdancehall anonzi Kinnah.

Muhurukuro naye, Young Chamaz akapa yambiro kune vechidiki kuti vasiyane nezvinodhaka asi vakoshese dzidzo yavo kuitira kuti ramangwana ravo ringe rakajeka.

“Ndinoda kupa yambiro kune vechidiki vakaita seni nevamwewo kana vakuru chaivo kuti tisatore zvinodhaka nekuti zvinotiurayira ramangwana redu.

“Zvinodhaka hazvina zvazvinotipa, asi kungokanganisa ramangwana redu chete. Saka, isu sevechidiki ngatimboite zvemabhuku, tikoshese dzidzo yedu nekuti ndiyo yega ichatiyambutsa mune ramangwana,” anodaro Young Chamaz.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *