Muimbi orwisa kutorwa kwezvinodhaka

Abel Ndooka

MUIMBI wechitendero – Wonesai ‘The Vibrator Grr’ Chimwanambo – orwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki zvichitevera kuvamba kwaakaita chirongwa chekubatanidza vaimbi vanobva munzvimbo yeGokwe kuti vashande pamwe chete vachipa chenjedzo pamusoro pekuipa kwezvinodhaka.

Chirongwa ichi cheAll Gokwe Artists, chichaona Chimwanambo nevamwe vaimbi vanobva muGokwe vachitenderera kunzvimbo dzakasiyana vachiita mashoo ekupa chenjedzo kune vechidiki kuti vasiye zvinodhaka uye vachivakurudzira kuti vazvishandire nemaoko avo.

“Sevaimbi vanobva muGokwe, takagara pasi tikati ngatibatanei tifambe nedingindira rimwe chete rekuparidzira nyika yese, kunyanya takanangana nevechidiki, kuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

“Zvinodhaka zvakuvadza vechidiki vakawanda, asi isu hatisi kuda kuvaona vachirasikirwa nehupenyu kana nemikana yakasiyana nekuda kwezvinodhaka. Naizvozvo tiri kuti vechidiki siyai zvinodhaka huyai tishande, tidzidzisane kuita mabasa akasiyana anounza pundutso muhupenyu hwedu,” anodaro.

Chimwanambo anoti mubatanidzwa wevaimbi vemuGokwe uyu wakaumbwa nechinangwa chekusimudzira vaimbi.

“Takauya nepfungwa yekuumba mubatanidzwa wevaimbi vanobva muGokwe nekuti chinhu chataitarisira kunyanya kuvapa mukana wekusimukira kuti mhanzi yavo igopinda muvanhu.

“Vamwe vanhu vajairira kungonyomba Gokwe, asi isu sevaimbi vanobva munzvimbo iyi tinoda kuvarakidza kuti Gokwe ‘zvinhu’ ine vaimbi vepamusoro avo vachabatsira kusimudzira zita renzvimbo yedu igoita mukurumbira chaiwo kwete zvainoitwa ichinyombwa,” anodaro Chimwanambo.

Kubva paakapinda mune zvemhanzi, Chimwanambo akwanisa kutsikisa madambarefu matatu anoti Mbiri Kuna Jesu iro rakabuda mugore ra2016, Zvasiyana (2017) naHuta Nemuseve ra2017 zvakare.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×