Mukadzi akabata kakomana chibharo

Muchaneta Chimuka —
MUKADZI wekuChitungwiza akamiswa mudare redzimhosva akatarisana nemhosva yekubata chibharo mwana wemunharaunda yake ane makore 7 ekuberekwa pamwe nekumuzadza chirwere chenjovhera.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, Francis Mapfumo, akati Sheris Jewa (27) wepanhamba 1399 kuSt Mary’s adzoke kudare munguva iri kutevera apo kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi.

Jewa ari kutongwa ari muchizarira. Muchuchisi Ntombikayise Nleya akaudza dare kuti nomusi wa8 Chivabvu gore rino, Jewa akakumbira mwana uyu kuti amubatsire mukusunda masofa emumba make.

Mwana uyu anonzi akabvuma asi paakangopinda mumba muye, Jewa akabva amubata nechisimba kwave kupinda naye pabonde achimumanikidza.

Gure iri rakazobuda pachena apo mwana uyu akataurira amai vake kuti ari kurwadziwa pasikarudzi yake izvo zvakaita kuti vamutarise ndokuona aine maronda.

Mwana uyu akaudza amai vake zvaive zvaitika vachibva vanomhan’ara kumapurisa Jewa ndokusungwa.

Jewa anobvuma mhosva yake pasina kukakama uye magwaro ekwachiremba akavhenekwa mwana uyu achaburitswa mudare seumboo.

“Yambiro yemhosva ndainzwisisa, ndinoibvuma,” anodaro.

Amai vemwana uyu vakapawo huchapupu hwavo mudare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×