Mukadzi ‘chiname’ pamurume

Lizzy Mushoriwa
Murume samusha akagunun’una mudare achiti aimbova mudzimai wake ari kumushaisa mufaro sezvo achimutevera kwose kwaanoenda. Handisan Nicholas akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekumhan’arira Memory Kambanje achiti ari kumushungurudza.

“Mambo wangu, amai ava vanondishungurudza. Ini naye takarambana asi anongoramba achiuya kwose kwandinenge ndiri, kana kubasa chaiko. Handisisna mufaro, anouya achiita mhirizhonga zvekuti handichashanda zvakanaka uye handidi kuti andifonere kana kunditevera kubhawa nekuti chatova chiname chaicho.

“Nyaya yake ndeyekuti ari kuda vana vari kugara naamai vangu asi handimupe vana ivava, ndinoda kuti asandifonere kana kusvika pedyo neni,” anodaro Nicholas.

Kambanje anoti haapikisane nechikumbiro chaNicholas asi kuti dambudziko riri pakati pavo nderevana.

“Ini handirambe zvaari kuda asi dambudziko riripo nderevana, akati haadi kuti ndimufonere, ko vana vangu ndovaonerepi?

“Izvozvi akatiza nemwana wangu ane mwedzi misere uyo anotoda amai pedyo, saka ndichigara ndichimufonera. Zvakare, anonyepa kuti hatidanane, iye paanondiona tinotoita semurune nemudzimai,” anodaro Kambanje.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaNicholas achiti anoda kushandisa gwaro rerunyararo kudzivisa Kambanje kuti asaone vana vake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *