‘Mukadzi wangu ane pamuviri’

Tatenda Moyo
SAMUSHA vekuda kuti mari yemendenenzi yavari kubhadhara ideredzwe vachiti vanoda kutenga gadziriro yemwana mucheche sezvo mukadzi wavo wechipiri aine pamuviri vakabva kudare vakagumbuka zvichitevera kuraswa kwechikumbiro chavo icho chakaonekwa chisina kukodzera.

Innocent Chinocha akamhan’arira aimbova mudzimai wake, Rachel Kasu, kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi ideredzwe sezvo ari kutarisira mwana nemumwe mukadzi naizvozvo aida kugadzirira.

“Changamire, ndadzoka zvekare pamberi penyu nechikumbiro chekuti dare rideredze mari yandiri kubhadhara inova $80 kusvika mu$20 nekuti mudzimai wandiri kugara naye pari zvino ane nhumbu yava kutoda kuzvarwa. Ndinoda kutenga zvinhu zvemwana saka mari yacho haisi kukwana nepamusana pekuwanda kwakaita mari yandiri kupa amai ava. Mwana wangu ari kuuya haangasvike mukutambura iyo mari ichiperera kumukadzi uyu anongoda kuhwanda nekuti ari kuriritira mwana asi achiishandisawo zvimwe,” akadaro Chinocha.

Akaenderera mberi achiti Kasu anoshanda saforomani weimwe kambani nekudaro anofanira kubatsirawo pakuriritira mwana uyu.

“Anotoshanda achitotambira kupera kwemwedzi asi anoramba achida mari kwandiri. Ndatove nemwedzi mitatu ndisina kubhadharwa kubasa saka ngaamire kuita bvepfe.”

Mutongi munyaya iyi akati chikumbiro chekuti mari ideredzwe chainge chisina kutambirwa nedare nekuti Chinocha haana kuuya neumboo hwairatidza chashanduka kubvira pakambopihwa mutongo wekutanga nedare rimwe chetero.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×