‘Mukadzi wangu chidhakwa’

Tafadzwa Mutsotso

MURUME wekuoneswa ndondo nemudzimai wake uyo waanoti chidhakwa chemakoko achimutizve akaroyiwa neakafa, akazomuendesa kudare redzimhosva.Albert Mugwise akamhan’arira Memory Takundwa kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekukonzeresa mhirizhonga pamba kana achinge adhakwa nedoro.

Mugwise akati kumba kwake kwava kuita kunge pashabhini nekuda kwehunhu hwemukadzi wake.

“Mukadzi wangu akaroyiwa neakafa, mambo wangu. Akatanga kunwa doro munoti murume. Anodhakwa kunge achasara akashama. Apa doro racho haawirirane naro, ane marambadoro chaiwo,” akadaro Mugwise.

Akaenderera mberi achiti kana mudzimai wake adhakwa, anomutuka zvinyadzi pane vana nevanyarikani.

“Ndanzwa nekutukwa pamberi pevanyarikani nevana. Ndikati ndimubate ndimuendese mumba arare zvake, anobva atanga kundirova,” akadaro.

Akati Takundwa haana basa raanoita pamba sezvo achingomuka nekuenda kubhawa.

“Mukadzi wangu haandiremekedze, kana zvachose. Basa rake nderekumuka akananga kubhawa. Kuwachira vana nekubika haabate, zvose izvozvo ndini nditori amai nababa vevana. Haana nguva yaanomboswerawo pamba ari sobha. Kana vana havachatomufarire nekuda kwetsika iyi,” akadaro Mugwise.

Takundwa haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Mutongi Barbra Mateko akapa Mugwise gwaro rerunyararo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *