‘Mukadzi wangu ndiJudhasi’

Arnold Kaseke
PANE murume anoti mudzimai wake ndi”Judhasi” wechikadzi chaiye apo ari kumupomera mhosva yekubvumidza vana vavo kuona mafirimu ezvinyadzi pamwe nekuenda kubhawa pamadiro.
Gilbert Maduveko akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa nemukadzi wake, Martha Mazivisa, kudare iri.

Mazivisa akaudza dare kuti: “Murume andishungurudza uyu, anoti kundituka, kurova vana pamwe nekuvadzinga pamba pangu. Imba ndeyangu, ndini ndakaburitsa mari yese iye haana kana kobiri zvaro riripo.

“Murume uyu akandipa chirwere asi anogara achindipomera mhosva yekuti ndini ndakamupa. Ndiri kutogara ndichimedza mapiritsi pamusana pemurume iyeyu. Handichadi kumuona pamba pangu.” Maduveko akabvuma kuti vanombotukana havo nemukadzi wake asi haasati amborova kana kudzinga vana pamba.

Akati mukadzi wake anobvumira vana vavo kuti vaite zvinhu zvisina maturo zvakaita sekuona mafirimu ezvinyadzi nekuenda kubhawa.

“Vedare, handirambe kuti tinombotukana nemukadzi uyu uye nyaya yatinogaronetsana nemukadzi uyu ndeye vana. Anobvumira vana kuita zvisina maturo achiti ikodzero dzavo. Vana vanoona mafirimu ezvinyadzi, vedare, dzinganzi ikodzero dzevana here kuti vaone mafirimu evanhu vakashama? MaCD acho ndatouya nawo aya,” akadaro achiratidza dare.

“Anobvumira vana kuti vaende kubhawa pavanodira, vana vanogona kubuda Chishanu vodzoka Chipiri.

Ndakangotsiura vana inobva yatoita nyaya ipapo. Imba yaanotaura kuti ndeyake takaivaka tese. Ndakatoshamisika kuzoona kuti akanyoresa imba yedu muzita rake. Ndaivimba naye zvisingaite mukadzi uyu asi akandiratidza kuti ndiJudhasi wechikadzi chaiye. Affidavit raakuratidzai iro nderenhema,” akadaro Maduveko.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akabvunza Mazivisa kana zvaitaurwa nemurume wake chaive chokwadi asi akazviramba. Akati maCD akanga auya naMaduveko akange asiri evana asi kuti ndeake.

“MaCD aari kukuratidzai ndeake uyu. Kumba kwedu haaonekwe maCD aya nekuti imba yakapatsanurwa nejira saka hazviiti. Ndeake aanoona nemah**e ake kudzimba dzavo. Ndiko kwakabva chirwere ikoko,” akadaro.

Mutongi Siwardie akati vaviri ava vadzoke zvakare kudare neumboo hunoratidza kuti muridzi wemba ndiani.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×