Mukadzi wekurambirwa kunaka . . .   Akazoroorwazve, ndokurambwazve

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wekwaMambo Chireya, kuGokwe North – wekurambwa nemurume wake nekuda kwekunaka kwake uko aimutyira kuti angamutorerwe nevamwe varume – anonzi akazoroorwa kechipiri, asi ndokurambwa zvakare nekuda kwechikonzero chimwe chetecho.

Hilda Mleya (30) akaendeswa kudare raMambo Chireya neaimbova murume wake – Arnold Masuka (40) – mugore ra2019 achikumbira kugura muchato nekuda kwekuti aityiswa nerunako rwake achiti aizokwanisa kumutorerwa nevamwe varume.

Mambo Chireya VaHenry Chidzivo (54) vakazokurudzira vaviri ava kuti vanogadzirisana asi vakazongorambana.
Pavakataura neKwayedza panguva iyi, kana ivo Mambo Chireya vakatsinhira kuti kuti mudzimai iyu ane runako “rwunotyisa”.

Svondo rino Mambo Chireya vanoudza Kwayedza kuti Mleya akazoroorwa nemumwe mudzidzisi uyo akakundikana zvakare kugara naye nekuda kwerunako rwake.

“Mudzimai uye wechipo chekunaka kana kuti kururama zvakanyanyisa mudunhu rangu akazenge aroorwa nemumwe mudzidzisi wepachikoro cheDambamazura Primary School pedyo nemusha wangu. Ndakazongonzwa kuti varambana zvakare.

“Mashoko anoti akarambirwa nyaya dzekunaka kwake idzi, hatichaziva kuti zvino achawana kupi murume waanogara naye sezvo runako rwake rwamuparira. Handizive kuti isu varume tave kuda zvipurunyenye ivo vakanaka variko,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ini samambo ndakazvionera. Amai ava chitambo nyenye chaiyo. Tinoziva varume tichitsvaga vakadzi vakanaka, zvino amai ava vari kutorambirwa kunaka kwavo ikoko, runako rwavaparira. Ini ndakazvionera, handiudzirwe panyaya yemukadzi uyu. Akarambwa naticha uyo akanga amuroora akadzokera zvakare kumusha kwevabereki vake uye mudare rangu nyaya yekurambwa kwake kechipiri nekuda kwekuti akanyanya kunaka haina kuzouya.”

Nyaya yemudzimai uyu iri kutenderera pamadandemutande apo pari kushandiswa mufananidzo wemumwewo mukadzi achinzi ndiMleya.
Mambo Chireya vanotsinhira kuti mufananidzo uri kutenderera pamadandemutande hauzi waMleya.

Vanovimbisa kutumira Kwayedza mufananidzo chaiwo wedzimai uyu vachiti pari zvino kudunhu ravo hakuzi kufambika nekuda kwemvura iri kunaya yakawandisa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×