Mukomana rudzii asingabve mumarokwe?

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri musikana ane makore 23 ekuzvarwa, dambudziko rangu nderekuti ndine mukomana ari kuda kundiroora asi shamwari dzake dzakawanda vasikana, vakomana vashoma. Nguva zhinji pose paanenge ari anenge aine vasikana. Inini hangu handizvifarire uye ndakambotaura naye asi akanditi ndichazvigamuchira nekufamba kwenguva. Ndoita sei tete? Ndoenderera mberi nehurongwa hwekuwanikwa naye here? Nokuti pakuona kwangu haasiyane neshamwarikadzi idzi, zvekuti zvingatozondipa dambudziko mumba macho.

Juliet Maphosa.

Norton.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru rakaoma nekuti chinonzi regedza ndechiri mumaoko asi chiri mumoyo munhu anofa nacho.

Iwewe muzukuru ongorora munhu wako, nekuti chinoitika kana ari iye akanzi ndiye achava wako chaiye, unogona kumuramba asi ari iye wako.

Shamwari idzodzo pamwe dziri kungosevenzeswa asi achikuda uyezve pamwe dzingoriwo shamwari.

Iwe muzukuru namata nezvazvo Mwari vanokuratidza, asi vakuru vanoti murume kana mukadzi igwati vanokwaturwa pane vamwe, iwe ita zvauri kuona zvakakunakira maererano nemaonero ako auri kuita mafambiro emukomana wako.

Zvekuroorana ndezveupenyu hwose saka zvinotoda kuti iwe nemoyo wako uzviitire sarudzo.

Kurudziro yangu ndeyekuti iwe usarare naye kana asati akubvisira roora.

Tete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×