Mukuvisi Woodlands yoshanda nezvikoro

MUKUVISI Woodlands, yakabatana nemamwe masangano, yakatanga chirongwa chekudzidzisa zvikoro 172 pamusoro pekukosha kwakaita kuchengetedza nharaunda.
Environmental education co-ordinator weMukuvisi Woodlands, VaGibson Nhokwara, vanoti vari kushanda pamwe chete nemasangano anoti reEvironmental Management Agency (EMA), Bard Life neEnvironmental Africa mukudzidzisa vana kuchengetedza nharaunda.

“Tiri kufamba muzvikoro tichidzidzisa vana kuchengetedza nharaunda pamwe nekusima miti. Izvi zviri kubatsira vana mukuva neruzivo rwezvidzidzo zvakaita seAgriculture, Geography, Biology, Ecology neSocial Studies.

“Tinofamba muzvikoro tichivapa yatinoti Tool Starter Kit iyo inovabatsira kutanga makirabhu anonzi maEco School Programmes apo tinovadzidzisa kutanga makirabhu anoenderana nenharaunda ine chikoro chavo. Pari zvino tine zvikoro zvepuraimari nesekondari zvinosvika 172 zvatiri kudzidzisa,” vakadaro VaNhokwara.

Vanoti pamazuva emhemberero dzakaita seWorld Tree Planting Day, World Wetlands Day, World Water Day, World Environment Day neWorld Rhino Day vanopa zvakare mibairo kuzvikoro zvinenge zvakunda mukuchengetedza nharaunda.

“Takatanga izvi taona kuti muzvikoro manga musina zvidzidzo zvakadai zvinobatsira vana kuti vakure vachiziva kuchengetedza nharaunda.

“Tinovadzidzisa zvakare kuti vasapisa marara nekuarasa pese-pese. “ vakadaro.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×