Mukuwasha akarohwa natezvara

Milcah Nhakura
MUKAWASHA wekuenda kumba kwevabereki vemudzimai wake achida kunomupa gupuro akazobviswa chiri kumeso apo akarikitwa natezvara vake pamwe nekupwanyirwa mota yake.

Vincent Zhoya akamhan’arira mudzimai wake Nomsikelelo Moyo nehanzvadzi yake, Munoda Moyo, kuHarare Civil Court achiti vari kumutadzisa kugara zvakanaka.

“Ndinokumbirawo kuti mudzimai wangu nehanzvadzi yake vamire kundishungurudza. Tsano vangu vakandipwanyira mota ndaendesa gupuro, vakazosungwa ndokubhadhara faindi kumapurisa.

“Mudzimai wangu ndinokumbirawo amire kuuya kubasa kwangu nekuti anondipotsera nematombo pose paanondiona,” anodaro.

Zhoya anoti ave kutya kudzingwa basa nekuda kwehunhu hwemudzimai wake nehanzvadzi yake.

“Ini ndinoshanda samahobho (murindi) saka ndave kutya kudzingwa basa sezvo vachipwanya zvinhu.

“Mukadzi wangu ngaamire zvekurovhesa vana chikoro nekuti zvinokanganisa zvidzidzo zvavo uyezve anorambidza vana kuuya kuzondiona zvekuti vanotoita zvekubirira vachiuya kubasa kwangu. Ndikavapa chinhu, vanotohwandisa nekuti vanotya kutukwa namai vavo kuti vauya kuzondiona,” anodaro.

Munoda anopindura achiti, “Hongu ndakamurova nekuti haana kuratidza kundiremekedza paakauya negupuro asina hama dzake semauiro aakaita paakaunza tsvakiraikuno. Ndakamuudza kuti wozodzoka wave nehama dzako.”

Nomsikelelo anotiwo murume wake ndiye anotomushungurudza.

“Murume uyu anoti vana havasi vake zvekuti kunyangwe ndikati mwana arwara, anopindura kuti haana basa navo,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Zhoya gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *