Mukuwasha otukirira ambuya

 ‘Muri muroyi, pfambi yemakoko’ 

Trymore Muvhawa

MUKUWASHA wekunzi anobatsirana nababa vake kutuka ambuya vake, amai vemudzimai, vachivapumha huroyi uye kuvapomera kuti ipfambi yemakoko akazomiswa pamberi pedare redzimhosva.Monika Chinembiri akamhan’arira Shadreck Shileto nababa vake, Misheck Shileto, kuHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza.

“Ndatambudzwa nemaitiro evanhu ava. Mukuwasha uyu nababa vake vanondituka vachindipumha huroyi hwandisina. Rimwe zuva mukuwasha akauya pakati pehusiku achinditukirira achiti ndiri muroyi uye baba vake vakazouyawo vachiti, ‘Imi nemwana wenyu muri mazipfambi naizvozvo mwana wangu haifanira kuroorana nemwana wenyu’.

“Mukuwasha iyeyu akatuma zvakare mupurisa wemumusha achiti handifanire kutaura nemwana wangu kana kumuona zvachose. Handizive kuti kuroorana kwacho ndekwemhandoi kunondirambidza kuona mwana wangu,” akadaro.

Shadreck akapikisana nezvaitaurwa naChinembiri achiti: “Ambuya vangu havadi kuti ndiroorane nemwana wavo. Vakauya kumba kwedu vachinzi vaitukirira zvandisingagoni kudura pamberi pavo nhasi uye handina kumbosvika kumba kwavo sezvavari kutaura pano, ndatoshamisikawo.”

Misheck akarambawo kuti anobatsirana nemwana wake kutukirira ambuya vake.

“Hongu, ndakasvika pamba pavo mushure mekunge ivo vauya vachitukirira pamba pangu. Ndakavati ko kana motuka neni baba, vana pavakadanana ndaivepo here? Zvakare amai ava vaituma hanzvadzi dzemusikana kuti dzisvikotyisidzira pamwe nekurova mwana wangu izvo zvakaita kuti iye nemukadzi wake vatize pamba,” akadaro Misheck.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Chinembiri gwaro redziviriro asi ndokumuudza kuti panyaya yekuona mwana wake, akura nekudaro haasi munhu achaudzwa zvekuita.

Related Posts

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

World Ozone Day rakacherechedzwa

Muchaneta Chimuka   ZIMBABWE yakabatana nenyika dzepasi rose mukupemberera zuva guru rekudzivirira kusvibiswa kwemhepo yemuchadenga reWorld Ozone Day rinova rinocherechedzwa nomusi wa16 Gunyana gore negore. Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, gurukota…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *