‘Mumahofisi handimo bedzi mune mabasa’

SANGANO reUnited Nations Education Scientific and Cultural Organisation (Unesco) rakanyorerana chibvumirano nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari icho chichakurudzira kushanda pamwe chete mukuvandudza zvidzidzo zvemabasa emawoko nechinangwa chekuti vadzidzi vawane raramo mune remangwana.

Vachitaura pachiitiko ichi muHarare nguva yadarika, mukuru anoona nezvedzidzo kuUnesco (programme specialist for education) Muzvare Caroline Medelin Unonuevo, vakati sangano ravo rakazvipira mukusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko.

“Zvidzidzo zvakaita sekuvaka nekuveza ngazvisimudzirwe kubva kupuraimari nekuti zvinorodza njere dzevana uye pavanopedza chikoro havashaye chekuita,” vakadaro Muzvare Unonuevo. Ngatisatarisa mabasa emumahofisi chete, ngatidzidzise vana vachikura mabasa emawoko ayo anosimudzira maindasitiri enyika neupfumi.”

Vakaenderera mberi vachiti zvakakosha kuti vadzidzi vave neruzivo pamusoro pekurima nezvicherwa sezvo zviri izvo musimboti webudiriro yenyika.

Vachitaurawo pachiitiko chimwe chete ichi, VaValerio Sibanda, avo vanove Acting Deputy Director of Science, Maths and Technical Subjects in the Curriculum Development Technical Services kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, vakatsinhira vachiti zvidzidzo zvemabasa emawoko zvinofanirwa kukosheswa.

“Zvidzidzo zvakaita sekuveza nekurima zvinofanirwa kuitwa nemwana wose kuchikoro kusvika kusekondari. Naizvozvo kune avo vasingakwanise zvekunyora nekuverengwa kwemabhuku havashaye pekumira napo nekuti vana muzvikoro matarenda anosiyana. “Zvidzidzo izvi hazvisi zvevana madofo, kwete, hakuna mwana dofo asi ndezvekurodza njere nehudobi hweruzivo kuvana,” vakadaro VaMukova.

Vanoti bazi ravo riri kuita misangano yekuvandudza zvidzidzo zvemabasa emawoko, zvikuru kuzvikoro zviri kumaruwa.

“Chinangwa chedu ndechekuti pashaye mwana anosvika pakupedza chikoro asina basa remawoko raanoziva. Kwete, Zimbabwe ine vanhu vane ruzivo rwakadzama rwunosimudzira nyika. Ngatisimudzire vana ava nekuti ndivo vatungamiri vemangwana,” vakadaro VaMukova.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×