Munhu wechina kufa neCovid-19

Malven Mugadzikwa
ZIMBABWE yava nevanhu vana — varume vatatu nemunhukadzi mumwe chete –— avo vashaya nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Rufu rwemunhu wechina rwunouya apo huwandu hwevanhu vabatwa neutachiona hwecoronavirus — uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 — muZimbabwe hwasvika pa28 mushure mekunge vamwe vatatu vaongororwa vakawanikwa vaine chirwere ichi muHarare nemusi weChipiri.

Nemusi weChitatu, bazi reutano nekurerwa kwevana — richizivisa veruzhinji zvitsva maererano nechirwre ichi — rinoti vanhu vashaya nekuda kweCovid-19 muZimbabwe vasvika vana uye pane vamwe vaviri vapora mushure mekurwara.

Mudunhu reHarare ndimo mune vanhu vakawanda vanova 13 vawanikwa vaine Covid-19, richiteverwa neBulawayo iyo ine vanhu gumi kuchitiwo Mashonaland East ine varwere vana kwozoti mumwe chete wekuMatabeleland North.

Mamwe matunhu enyika haasati aita munhu avhenekwa akawanikwa aine Covid-19.

Bazi rezveutano rinoti nemusi weChipiri chino pakaongororwa vanhu 841 izvo zvaita kuti huwandu hwevakaongororwa kusvika parizvino husvike pa4 159.

Pane vanhu 65 vakaongororwa avo vasati vaziviswa zvakabuda muongororo dzakaitwa.

Bazi iri rinoti riri kugara rakagadzirira kurwisa kupararira kweCovid-19 uye rinoyeuchidza veruzhinji kuti nzira huru yekuzvichengetedza kubva kuchirwere ichi kuva nehutsanana.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *