Munyemba une dovi

KUBVIRA pasichigare, vanhu vaidya chikafu chine utano chinosanganisira miriwo yakaita semunyemba uye izvi zvaiita kuti vasabatwe nezvirwere zvenhando sezvave kuitika muraramo yanhasi.

Svondo rino Mai Pamella Sanganayi vekwaMutare vanotsanangura mabikirwo emuriwo wemunyemba.

Zvinodiwa:

Chikari, poto kana pani, mugoti, chipunu, dovi, hanyanisi, matomasi, mufushwa wemunyemba nemunyu

Mabikiro:

Rara wakanyika munyemba mumvura kuti upfave.

Bvisa mvura yese wodira imwe wofashaidza pamoto.

Geza zvakare munyemba wako nemvura inopisa kusvika mvura yese yakatsvukuruka yapera.

Wozodii?

Tora hanyanisi nematomatisi wozvigeza. Cheka kuita zvidimbu zvidiki wogadza chikari kana poto kweawa rese uchiwedzera mvura. Chiisa hanyanisi nematomatisi wokwidibira zvombokwata kwemaminitsi mashanu.

Isa zvipunu zviviri zvedovi woramba uchikurunga kusvikira zvanyatsosangana.

Munyemba unodyiwa nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana remhunga.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713411281

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *