Munyori Chimuka hutu nemubairo

Kingstone Mapupu
Munyori weKwayedza, Muchaneta Chimuka, svondo rapera akapihwa mubairo mukuru weBest Traditional Health Coverage 2017 nesangano reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA). Chimuka awana mubairo uyu zvichitevera kunyora zvakadzama nyaya dzeutano dzakarerekera kuchivanhu. Munyori uyu anoti anonzwa manyukunyuku nekuwana kwaakaita mubairo uyu.

“Ndinofara zvikuru nekudyidzana kwatinoita nevarapi vechivanhu uye vemakereke apo vanotiwanisa nyaya dzine chekuita nezvinhu zvakasiyana zvinova zvinofarirwa nebepanhau redu. Kune ruzivo rwakadzama rwuri muvarapi vechivanhu mukurapa zvirwere zvakasiyana uye mapepanhau anobatsira kuti veruzhinji vawaniswe mashoko echenjedzo,” anodaro Chimuka.

Mutungamiriri wesangano reZINPA, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti Chimuka munhu ane chido chekushanda nevarapi vechivanhu, naizvozvo vaona zvakakodzera kumupa mubairo uyu.

“Kune vamwe vatori venhau vanogona kukundikana kuita zvinoitwa naChimuka nekuti vanenge vasingafariri kunzi vanofambidzana nen’anga kana nemaporofita. Asi Chimuka anowanikwa achitora nhau kuvanhu iavava, nhau dzizere nechenjedzo kune veruzhinji. Kana varapi vechivanhu vakasimudzirwa, tinoona nyika ichiva neutano hwakanaka nekuti varwere vazhinji vanotanga vapotera kuchivanhu vasati vaendeswa kuzvipatara.

“Imo mumishonga yechivanhu ndimo munobva zvakare mapiritsi atinopihwa muzvipatara, saka tinobata pamwe nezvipatara mukuchengetedza upenyu,” vanodaro.

Hakasi kekutanga Chimuka achiwaniswa mibairo yekugona kunyora nhau. Makore apfuura akahwinha mibairo yakawanda mumakwikwi eNational Journalistic Media Awards (NJAMA) inosanganisira Child Reporter of the Year, Maternal Health, Gender Based Violence, Health Reporter neTraffic Safety Awards.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *