Munyori wemabhuku otsvaga rubatsiro

Lizzy Mushoriwa naGamuchirai Muzanenhamu
MUNYORI wemabhuku wechidiki uyo ari kusimukira ari kutsvaga rubatsiro rwekudhindisa mabhuku ake manomwe echiShona.

Godknows Marondo (30) anoti ane chido chekunyora mabhuku asi dambudziko raakatarisana naro nderekushaya makambani anomubatsira mukuadhinda.

“Ndiri munyori wemabhuku echiShona uye ndakatanga zvekunyora izvi ndiine makore 27 okuberekwa. Asi zvainge zvabvira kuchikoro uko ndaiva shasha yekuba mabhuku, zvinyoreso nemapepa zvevamwe ndichitsvaga pekunyorera sezvo zvangu zvaikurumidza kupera,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Dambudziko randiri kusangana naro nderekuti makambani anotsikisa mabhuku haasi kunzwawo chichemo changu. Ndakaendesa mabhuku matatu, hapana kana rimwe ramboti rabuda asi mari inodiwa ndinenge ndakabhadhara,” anodaro. Anoti bhuku rake rekutanga rinonzi Gwisai iro ratova nemakore matatu risati raburitswa.

“Bhuku rangu rekutanga rinonzi Gwisai randakanyora makore matatu apfuura asi harisati raburitswa,” anodaro Marondo.

Zvisinei, anoti kunyangwe zvakadaro, haasi kuzomira kunyora mabhuku nekuti ane tarisiro yekuti mukana wake uchasvikawo wekuti mabhuku ake averengwe neveruzhinji.

“Handiore mwoyo nekuti mukana wangu uchasvikawo, ndine mamwe mabhuku matanhatu andakanyora nekuti ndinoziva kuti veruzhinji vachakwanisa kuaverenga uye vana vechikoro vachadzidza nezvawo,” anodaro Marondo  Anoti anonyora pamusoro pezvechinyakare nematambudziko anosanganikwa nawo nevanhukadzi.

“Mumabhuku umu ndinowanzonyora zvechinyakare uye matambudziko anosangana nevanhukadzi, handingonyorere kunakidzwa,” anodaro.

Mamwe emabhuku akanyorwa nemuchinda uyu anoti Barika, Shayisano, Ruvimbo, Taiveko naRevai.

Vanoda kubatsira Marondo kuti akwanise kutsikisa mabhuku ake vanomubata pa0719 667 912.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×