Muporofita akarasiswa ‘nemweya’

Daphne Machiri
MUPOROFITA wechechi yeKutenda kweVapositori wekuGuruve anonzi akany’ura murimwe dhamu reko mushure mekunge apindamo akabata hari yevhu apo aiita mhiko dzake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti njodzi iyi yakaitika musi wa9 Kukadzi.

Vanoti Kenny Mazviyo (28) wepaStand 282 Nhemachena Village, kwaMambo Chipuriro, anonzi akaenda kudhamu reDande aina Shepherd Kamudyariwa naTariro Mazviyo (43) achida kunovanamatira nenguva dza11 mangwanani.

“Kenny anonzi akaudza vaviri ava achiti munamato wavo waida kuti atange aenda pakati pedhamu apo ainoita mumwe munamato kubudikidza nekuyeresa hari yainge yakaputiridzwa nejira jena iyo aive nayo,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti Kamudyari nemumwe wake vakazotora nguva yakareba vakamirira kudzoka kwaKenny uye pavakaona asina kubuda mudhamu umu, vakabva vaziva kuti ainge any’ura.

“Vaviri ava vakazozivisa vanhu vemunharaunda zvainge zvaitika vakaedza kutsvaga Kenny Mazviyo asi vakamushaya ndokuzoenda kumapurisa kunomhan’ara njodzi iyi,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mutumbi waMazviyo wakazonyururwa mudhamu umu neveSub-Aqua Unit anove mapurisa eZimbabwe Republic Police musi wa12 Kukadzi.” Insp Mundembe vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekupinda mumadhamu kana nzizi dzinenge dzizere vachiti kunze kwenjodzi yekuny’ura, munogarawo zvikara zvinosanganisira makarwe nenyoka.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×