Muporofita akasungwa ndare nechidhoma

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA wechirume wechechi yeJohane Masowe weChishanu uyo akaedza kubatsira imwe mhuri yekuChipuriro, kuGuruve, iyo ine dambudziko rekufirwa nemunhu zuva rakafanana pagore – anonzi akazobva pamusha apa ava kurwara mushure mekunge arohwa kana kuti asungwa ndare nezvidhoma.

Nguva pfupi yadarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya yemhuri yemubhuku raZhakata iyo inofirwa nemunhu musi wa21 Kurume gore roga-roga.

Mumusha mumwe chete uyu, vanasikana vemo vari kupera kudzoka kuvarume uyewo varoora vachitiza.

Iyi ndiyo zvakare mhuri ine vanhu, kusanganisira sabhuku, vanongoshaya minwe yavo.

Sezvinonzi mashura aya mashoma, iyi ndiyo zvakare mhuri ine danga remombe dzakambofuma dzakasungwa miromo nemachira matsvuku nemachena nguva pfupi yadarika, rimwe tsiru ravo rikazobereka chimhuka chainge bere.

Vemhuri yekwaZhakata vanoti – zvichitevera kufirwa nemumwe mudzimai mumumhuri yavo musi wa21 Kurume gore rino – vakazoshevedza mumwe muporofita vachida kuti avabatsire padambudziko iri uyo anonzi akazorohwa nezvidhoma ndokusara ava kurwara.

VaShepherd Zhakata (44) vanotsinhira nyaya iyi vachiti muporofita uyu akapotsa afira pamusha pavo.

“Takashevedza muporofita anonzi Madzibaba Mossy weJohane Masowe mushure mekunge amai vedu – Emily Zhakata – vashaika zuva ratagara tichifirwa, 21 Kurume.

“Takaungana semhuri tiri vanhu vaidarika makumi mana tichida kunzwa kuti chii chiri kukonzera matambudziko mumusha medu. Muporofita uyu achingosvika, akabva abatwa nemweya ndokutaura kuti pane chinhu chaizodonha pachivanze icho chaizoshamisa vanhu,” vanodaro.

Shepherd Zhakata

Vanoti apo vanhu vaiva pachivanze vachimirira kunzwa kuti dambudziko iri rinobvepi, pakati pavo pakadonha dzvinyu hombe kubva mumhepo ndokusvikowira pasi nemanhede richibva ratadza kumuka kwechinguva. Vaivepo vanonzi vakatya kurinakura.

“Muporofita uyu akabva atiudza kuti masaramusi emumusha wedu ainge atanga, apo akasimuka oga ndokubata zidzvinyu riya nemawoko ndokunoripotsera nechekure nemusha.

“Takava nekutya kukuru sezvo zvakanga zvataurwa kare kuti paiva nechinhu chaizodonha,” vanodaro VaShephard Zhakata.

Achingopedza kuita izvi, muporofita uyu anonzi akabva atanga kupera simba “zvikadudzira kwatiri kuti chinhu ichi chaisava zidzvinyu, asi chidhoma.

Sabhuku wemusha uyu – VaElias Zhakata (79) – vanotsinhirawo nyaya yekuchipiswa kwemuporofita nezvinhu zvemumusha mavo.

“Muporofita uyu akangotanga kunzwa dzungu nekupera simba apo zidzvinyu iri rakadonhera mukati pevanhu. Akazobva mumusha medu orwara uye kusvika nanhasi anonzi ari kurwara,” vanodaro.  Vanoti mhando yezidzvinyu rakawira mukati mevanhu havana kumbobvira vakariona kubva vachizvarwa.

Muporofita Madzibaba Mossy Garikayi Chasakara (44) – uyo anogara mubhuku raKugotsi, kwakare kuGuruve – anotsinhira kuti ari kurwara kubva paakanoedza kushandira mhuri yekwaZhakata.

“Ichokwadi, ndiri kurwara kubva pandakaenda kunoshandira mhuri yekwaZhakata. Ndakangotanga kunzwa muviri wangu seunonanairwa nezvinhu zvandaisaona ndichipera simba. Ichokwadi, varoyi variko kana ndiri ino vaneni,” anodaro.

Baba vasara mumhuri yekwaZhakata – VaLancelot Zhakata (84) – votaura nezvekurwara kwemuporofita uyu vanongoti: “That’s his own lookout, zvinei nesu izvozvo?”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×