Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wechechi yechipositori yeJohane Masowe anoti anoporofita nemweya wechikwambo, izvo zvaanoti zvakazomuita kuti ambomira kuenda kuchechi.
Madzimai Yupa, rinova zita rekumasowe, rekuberekwa riri Jane Ngulube (39), kumusha vachibva kuShamva, vanoti vakatanga vachipinda chechi yeJohane Masowe yeJerusarema.
Vanoti vakazobva muchechi iyi, vachienda kune dzimwe, ndokuzomira kunamata.
“Ndiri muporofita ane mbiri chaizvo munyika muno. Ndakatenderera masowe akawanda munyika ndichinamatira vanhu vachipona. Kwandakanyanya kubatsira vanhu kuEpworth. Kuti ndizive kuti mweya wandaishandisa waiva wezvikwambo, ndakapihwa muteuro navamwe madzibaba, vachiti vaida kuti ndione simba randaishandisa, ndokubva ndaushandisa. Zvadaro, ndakabva ndatanga kuona tuvanhu tupfupi twainditevera twakapfeka magemenzi,” vanodaro Madzimai Yupa.
Vanoti kubva ipapo vakatanga kurota vachiitwa bonde navo netuvarume tupfupi utwu. Vanotizve vairota zvakare vachiyamwisa tumbwanana twakawanda netuvanhu utwu uye vachiitwa bonde nenyoka.
“Ndinorota ndichiyamwisa tudhara utwu tunenge twakapfeka magemenzi uye tumbwanana tutsvukutsvuku twakawanda. Ndinorotawo ndichiitwa bonde nenyoka; dzichindinanzvawo,” vanodaro amai ava.
Vanoti pokutanga vakashanyirwa nenyoka dzakawanda vachirota, dzavanoti dzakavataurira kuti ivo ndivo vaiva munhu wadzo.
“Ndine katsvimbo kadiki kandakapihwa nevanhu vandisina kuziva. Mumhuri medu tiri vashanu; tose tiri maporofita, kusanganisira vana vangu. Dambudziko rangu nderokuti hapana hama ichandida; vanonditi ndakaromba,” vanodaro Madzimai Yupa.
Vanoti vanonanzvwa muviri wose nenyoka, izvo zvavanoti zvave kukonzera kushanduka kweganda ravo, richisviba zvakadarikidza.
“Kuporofita kwangu uku nezvikwambo handizivi kuti kwakabva kupi, saka ndinotodawo kubatsirwa. Zvinonzi ndakaturikwa mhepo idzi nezvikwambo nehama dzepedyo. Pandakatanga kuporofita, mamwe maporofita aiti ndine ngirozi hombe. Vamwe vanoti ngirozi iyi yakazotorwa nevamwe vane simba, ndikaturikwa zvikwambo, izvo zvandinoporofita nazvo,” vanodaro Madzimai Yupa.
Vanoti vanorotawo zvakare vari kumakuva nguva zhinji, vachifamba mukati mawo.
“Nedambudziko iri, ndakamboenda nehama dzangu kun’anga yeChichawa yekuMarondera, uko ndainzi ndaida kuitirwa back to sender. Ndakapihwa mvura yandainzi ndigeze nayo pakati pousiku ndisina kupfeka, izvo ndakaita. Ndakapihwa zvakare mushonga wekunatira pakati pousiku,” vanodaro Madzimai Yupa.
Mudzimai uyu anoti ave kusvitsa gore nechidimbu aine dambudziko iri.
“Nokuda kwedamdudziko iri, vamwe vave kufamba vachiti ndinorwara nepfungwa, nyambisirwa handizvo. Dambudziko rangu rakatanga apo mumwe muporofita akauraya huku, ndokutora musoro wayo, akautenderedza pamusoro wangu, zvichinzi kwaiva kubvisa mhepo,” vanodaro Madzimai Yupa.
Mudzimai uyu, uyo ane vana vashanu, anoti vose havadi kumuona sezvo vachiti akaromba.
“Kana ndakaromba ini handizivi kuti ndakazvitorera kupi. Ndinoda kubatsirwa kuti kurwara kwandinoita kupere, kurarwa kwandinoitwa kupere zvakare, ndirege kurota zvinhu zvinotyisa,” vanodaro Madzimai Yupa.
Mudzimai uyu anoti anoburitsa ropa rakasviba kusikarudzi kwake kana angorota achiitwa bonde naye nenyoka idzi.
“Kwandinoenda kuti ndibatsirwe, ndinotaurirwa nevamwe kuti pane mhepo inobuda pandiri inotaura mazita akasiyana-siyana anosanganisira ehama dzangu, emaporofita andaishanda nawo nemweya wemumvura. Zvinonzi unotaura kuti taiuraya vanhu kunzvimbo dzakatsaukana-tsaukana,” vanodaro Madzimai Yupa.
Imwe mweya inonzi inotaura kuti mudzimai uyu anoshanda nenjuzu dzemumvura.
“Mweya iyi inotaura kuti ropa revanhu tinorichengeta mumatende asi ini hapana zvandinoziva,” vanodaro Madzimai Yupa.
Mudzimai uyu anoti asvitsa makore makumi maviri nematatu achishandira vanhu semuporofita.
Madzibaba Gamba, VaMartin Madzura, vekuBudiriro 2, muHarare, vanoti chikamu chikuru chemaporofita ariko mazuva ano chakaromba.
“Ngatisaonei nguo chena tofunga kuti tose tiri vanamati. Maporofita mazhinji ari kunorombera chiporofita. Unoenda kwaunoudzwa nhamba dzako dzechitupa nedzefoni asi pasina zambuko. Ngatingwarirei kubatwa misoro yedu nevanhu vose vose; unotakudzwa zvikwambo nemhepo dzakasiyana-siyana,” vanodaro Madzibaba Gamba.
Vanoti vazhinji vanoporofita nemisoro yegora zvokuti hapana chaanopotsa.
Gogo Shumba, zita ravo chairo vachinzi Martha Tapfuma, vekuGrange, muHarare, vanoti maporofita mazhinji ari kuita masimba ekutenga nenzira yekurombeswa.
“Nenyaya yokuda mari, kune vanhu vave kunotsvaga huporofita nehun’anga nekuromba, izvo zvinozosara zvichinetsa mhuri,” vanodaro Gogo Shumba.