Mupurisa akakechwa nagweja

Kingstone Mapupu

Mupurisa wechidzimai anoshandira pakamba yeMutawatawa, kuUzumba, anonzi akapinda tsekwende svondo rakapera apo akawirirana nemurume anova mukorokoza kuti vagoverane rudo, asi ndokuzopesana nekuda kwemari yemurume uyu inonzi yainge yashaikwa zvikazokonzera mhirizhonga.

Mashoko ane Kwayedza anoti mupurisa anova Constable uyu (zita rake tinaro) akawirirana nemukorokoza (zita tinaro) kuti vapanane rudo apo vakasangana panzvimbo yemabhizimisi yeMutawatawa.

Vaviri ava vanonzi vakawirirana mari inoita US$10 uye vakazoenda kumba kwemupurisa uyu kurukisheni rweKasipiti uko vakanosasana.

Zvinonzi mushure mekunge vapedza zvavakaita ikoko, mukorokoza akazoona mari yake US$100 isisimo muhomwe dzake apo akatanga kupomera mupurisa mhosva achiti ndiye ainge amubira mari iyi.

Mupurisa uyu anonzi akazovharirwa mumba nemukorokoza uyu achinzi adzose mari iyi. Mupurisa anonzi akazoridza nhare kumukuru wekamba yavo yeMutawatawa, Inspector Trymore Hofisi, achiti upenyu hwake hwakanga hwava parumananzombe.

Insp Hofisi vanonzi vakazotumira mutevedzeri wavo, Assistant Inspector Matope, aine mumwezve mupurisa anonzi Moyo kunonunura mumwe wavo ainge ava panyatwa.

Pakatorwa vaviri ava vachiendwa navo kukamba, zvinonzi mukorokoza akamboda kumhan’ara nyaya yekubirwa iyo akazorega nekuda kwezvikonzero zvaasina kuburitsa pachena.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nyaya iyi asi vanoti haina kumhan’arwa zviri pamutemo.

“Nyaya iyi yakaitika asi haina kumhan’arwa zviri pamutemo. Vanhu ava vakazotaurirana vachibatsirwa nemamwe mapurisa.

“Regai ndinodzoka kwamuri kana ndatsvaga zvizere nekuda kwenyaya iyoyi, ndakakwenenzvera mashoko acho chaiwo,” vanodaro Insp Mwanza.

Kwayedza yakazokwanisa kuridzira nhare kumurume mukorokoza uyo anotsinhira kuti nyaya iyi yakaitika.

“Nyaya yamunobvunza yakaitika asi aa, mukoma inyaya yakadarika. Handingape ‘comment’ nyaya yakadarika iyi. Ngatingozvisiya zvakadaro mukoma, zvinomutsa zvirere. Iyi siyanai nayo mukoma zvakatopera,” anodaro murume uyu panhare.

Mupurisa wekukechwa nemukorokoza akaridzirwawo nhare neKwayedza ndokubvunzwa nyaya iyi apo akatsenga-tsenga mukanwa.

“Nyaya iyoyo makainzwa nani? Ini handina ‘comment’ handiizive. Ndatoshokekana nazvo. Handina kana ‘idea’, handigone kutaura zvandisingazive,” anodaro mupurisa wechikadzi uyu.

Mukuru wekamba yemapurisa yeMutawatawa, Insp Hofisi, havana kukwanisa kutaurwa navo neKwayedza pamusoro penyaya iyi.

Kunombobuda nyaya dzinoti kune mamwe mapurisa anoita hwemukombe nechirongo nemamwe makorokoza, kunyanya apo mamwe mabasa evanoita zvekuchera zvicherwa aya ari kuongororwa.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×