Akafa anwa vhuka-vhuka

Kingstone Mapupu

Murume nemudzimai wake vepapurazi reMukute, kuMarondera — avo vanga vachitambura nekushaya mbereko — vakazogumisira vawira muna taisireva apo vakanwiswa mushonga wekusimbisa misana yavo unodaidzwa nekuti vhuka-vhuka neimwe n’anga yeko, murume ndokubva zvamukurira, achibva afa.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti Hellen Bwanya (32) nemurume wake, Elliot Chirinda (38) vakaenda kun’anga inongozivikanwa saSekuru Samaita vachinotsvaga kubatsirwa kuti vaite mwana.

“N’anga iyi inonzi yakapa Chirinda nemudzimai wake mushonga wekuti vanwe uchinzi uchavaita kuti vakwanise kuita mwana nekusimbisa misana yavo.

‘‘Izvi zvakaitika nemusi wa9 Kukadzi gore rino.

“Mushure mekunwa mushonga uyu, vaviri ava vanonzi vakadzokera kumba kwavo uko Chirinda anonzi akasvikotanga kurutsa zvakasimba,” vanodaro Insp Mwanza.

Nemusi wa10 Kukadzi pakati pehusiku, Bwanya akazoona murume wake Chirinda afenda uye asisagone kana kutaura.

“Zvadaro, mudzimai wacho uyu akazomhanya kunotsvaga rubatsiro kuvavakidzani apo akasvikoona Michael Nyaruwanga (55), ndokudzoka vose kumba vakasvikowana murume uyu atofa,” vanodaro Insp Mwanza.

Bwanya anonzi akazonomhan’ara nyaya iyi pakamba yeDema uko mapurisa akazotanga kuferefeta nyaya iyi.

“Semapurisa, tichiri kutsvaga n’anga inonzi Samaita iyi nekuda kwemhosva yekukonzeresa rufu rwemurume uyu. Tinokumbira kune vanoziva kune murume uyu kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo, zvikuru vekuDema,” vanodaro Insp Mwanza.

Mutumbi waChirinda wakaendeswa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital kunoongororwa usati wazonovigwa.  Mwanza

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *