Sharon Buwerimwe
MUKOMANA tsotsi wekuBulawayo – wekurova nekuruma mupurisa aida kumusunga apo aive parufu – akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 27 nedare reko.
Washington Zikhali (18), uyo anogara kuCowdry Park, akabira Siluzile Ndlovu (37) bhegi rake raiva neUS$200 neR75. Constable Ucal Phuthi (31) vakazonyeurirwa kuti Zikhali akanga ari parumwe rufu munzvimbo imwe chete yaakabira, ndokubva vaenda vachida kunomusunga.
Zikhali akabva ahwanda muchimbuzi chepamba paiva nerufu apo ainge akapakatira matombo.
Const Phuthi pavakaedza kuvhura gonhi rechimbuzi ichi nechisimba, Zikhali akabva avarova nedombo mumusoro ndokuzovaruma paruoko rweruboshwe.
Zikhali anoramba mhosva mbiri idzi apo akamiswa pamberi pamutongi Tancy Dube wedare reWestern Commonage.
Mutongi Dube akamutongera kugara mujeri kwemwedzi 18 pamhosva yekutanga yekuba. Akazobvisa mwedzi mitatu pamutongo uyu paine chitsiidzo chekuti Zikhali haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu mumakore matatu anotevera.
Pamhosva yechipiri yekurova mupurisa, mutongi akatongera Zikhali kugara mujeri kwemwedzi mipfumbamwe. Mwedzi mitatu yakabviswa zvakare paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu mukati memakore matatu ari kutevera.
Zikhali akaudza dare kuti anofungidzira kuti paakarova nekuruma mupurisa, ainge asvikirwa.
“Ishe wangu, ndakanga ndisisiri inini pandakarova mupurisa, ndakanga ndisina chinangwa chekumukuvadza,” anodaro.
Muchuchusi Tapiwa Solani anoti musi wa6 Chikunguru gore rino nenguva dza7 manheru, Zikhali akabira Ndlovu bhegi rake iro raiva nemusvo wemari. Musi wa7 Chikunguru Zikhali akazorova mupurisa apo airamba kusungwa.
“Zikhali akashandisa mhirizhonga pakuramba kusungwa kwake zviri pamutemo naConst Phuthi apo akamurova nechidhinha mumusoro nekumuruma paruoko,” anodaro.
Muchuchisi Solani anoti Const Phuthi vakakuvara zvakaipisisa kubva mukurumwa kwavakaitwa naZikhali uye pari zvino vari kurapwa.
Const Phuthi – avo vane ruoko rwuchakazvimba – vakaudza dare kuti Zikhali akavatema nezidombo.
“Ndakaona musungwa uyu akahwanda muchimbuzi pachechi yeZvese Zvese pedyo nenzvimbo yeAnthens. Pandakaedza kumusunga, ndipo paakabva andirova nezidombo. Akabva andiruma,” vanodaro Const Phuthi.
Vanoenderera mberi: “Pari zvino ruoko rwangu rwakazvimba uye rwuri kundinetsa kushandisa. Ndichiri kurapwa sezvo rwusati rwapora.”




