Murairidzi weDeMbare anogona kusiya basa

Eddie Chikamhi

MURAIRIDZI weDynamos Aristica Cioaba akazivisa kuti anogona kusiya chikwata ichi chikatadza kupedza mwaka chiri pane chimwe chezvinzvimbo zvina zvepamusoro muPremier Soccer League (PSL).

Murairidzi anobva kuRomania uyu, uyo akasvika kuchikwata ichi chikuru chemuHarare mwedzi miviri yadarika, akataura mashoko aya mushure mekukundwa kunorwadza apo chikwata chake chakabudiswa mumakwikwi eChibuku Super Cup neFC Hunters neSvondo.

Dynamos yange ichitonga makwikwi eChibuku Super Cup kwemwaka mitatu yapfuura, ichihwinha muna 2023, 2024 na2025, asi kukundwa kwayakaitwa neFC Hunters — chikwata chichangopinda muPSL — kuburikidza nekurohwa kwemapenareti kwaisiya ichinetseka zvikuru.

Kubviswa mumakwikwi aya kwakawedzera kuipa kwemamiriro ezvinhu kuchikwata ichi, sezvo DeMbare yakaburitswawo mumakwikwi eMunhumutapa Challenge Cup nechikwata cheHwange.

Hachichakwanisi kuhwinha mukombe weligi, asi chikwata ichi chine chinangwa chekupedza mwaka zvine simba mumitambo mitanhatu yasara.

Cioaba akaudza vatori venhau kuti kutadza kupedza vari pane chimwe chezvinzvimbo zvina zvepamusoro kwaizoreva kukundikana, kwete kwaari chete, asi kune vose vane chokuita nechikwata ichi.

“Tikatadza kupinda muzvinzvimbo zvina zvepamusoro, chikwata chikapedza chiri panzvimbo yechishanu kana yechitanhatu, ndinofunga kuti vanhu vose vanofanira kuenda, vopa mukana kuvashandi vatsva, mumwe murairidzi nevamwe vatambi,” anodaro Cioaba.

Murairidzi uyu akasimbisa kuti chikwata chake hachina chikonzero chekunyunyuta nezvenyaya dzerutsigiro, achirumbidza kambani inotsigira chikwata ichi, AfricaBet, nekuzadzisa zvisungo zvayo zvemari nekupa rutsigiro rwakakwana.

“Vatsigiri vedu vari kubhadhara mihoro nenguva<bha>;</bha> hatina dambudziko nemihoro. Vanopa mabhonasi nenguva<bha>;</bha> vanotipa nguva yekugara takagadzirira mutambo, kana tichida zuva rimwe kana maviri. Vakagadzirisa nzvimbo yakanaka yekuita gadziriro<bha>;</bha> vakavandudza zvinhu zvose,” anodaro Cioaba.

Murairidzi uyu anoenderera mberi achiti panogona kuitwa shanduko huru muchikwata vatambi vakatadza kusvika padanho rinotarisirwa.

“Uye vatambi vanofanira kunzwisisa kuti mwaka uno kana vasingashandi nesimba uye vasingapedzi vari pakati pezvikwata zvina zvepamusoro, ngavatore nhumbi dzavo vaende kuitira kuti vamwe vatambi vane unyanzvi vawane mukana,” anodaro.

Zvisinei, murairidzi uyu anoratidza kuyemura chikwata ichi uye kuvimba nekugona kweDeMbare kupedza iri pakati pezvikwata zvina zvepamusoro.

Parizvino, Dynamos iri pachinzvimbo chechishanu palog iine mapoinzi makumi mana nemanomwe, uye yakasiyana nepoindi imwe chete neHerentals, iyo iri pachinzvimbo chechina. Ichasangana neHerentals mumutambo wayo unotevera kuRufaro svondo rino.

“Ukatarisa makwikwi eligi, pane musiyano wepoindi imwe kana mapoinzi maviri chete pakati pechikwata chiri pachidanho chechipiri, chechitatu, zvichingodaro.

“Kana mukahwinha mitambo mitatu, zvinogoneka kupedza muri pakati pezvikwata zvina zvepamusoro, asi zvinoda kuti vatambi nevatungamiri vashande pamwe chete kuti izvi zviitike.

“Aya mashoko akajeka kubva kwandiri kuenda kune vose, uye ndinovimbisa kuti kana ndikatadza kupedza tiri pakati pezvikwata zvina zvepamusoro, handizoendereri mberi nechikwata ichi. Ndichaenda. Handidi chinhu.

“Asi ndine chivimbo. Ndinoda kuenderera mberi nechikwata ichi mune ramangwana kuti tiwane zvibereko zvakanaka uye tipedze tiri pakati pezvikwata zvina zvepamusoro,” anodaro Cioaba.

Related Posts

MaGems orwira kuenda kuWorld Cup

Veronica Gwaze ZIMBABWE Netball Association (ZINA) svondo rino yakaonekana nechikwata chemaGems, icho chine nhengo gumi neshanu, apo chainge choenda kumakwikwi achaitirwa kuNairobi, Kenya, pakati pa19 na26 Gunyana. Chikwata ichi, icho…

Mufundisi ave rombe nekutamba ‘kandege’ . . . mari yechegumi yaperera munjuga

Kingstone Mapupu MUFUNDISI uye muvambi wechechi yePower of the World Ministry yemuHarare, Wellington Chinzara (40), anoti akanyengerwa kusiya zveBhaibheri ndokupinda mune zvekutamba njuga yemhando ye”kandege”, izvo zvakamupedzera mari yose, ndokusara…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *