Kingstone Mapupu
MURUME wekwaNyashanu, kuBuhera, anonzi akabuda pachena kuti ari kudanana moto nemuroora wake izvo zvakaita kuti azodzikwa demo nemwanakomana wake — muridzi wemukadzi uyu — baba ava ndokuzoripiswa mombe nedare reko dzekuita makunakuna.
Robert Mubhika Chinehwaro (54) wemubhuku raGamanya, kwaMurambinda, akatemwa-temwa nedemo nemwanakomana wake wekubereka — Principal Chinehwaro Mubhika (28) — mushure mekunge baba ava vadura kuti vanodanana nemuroora wavo, Juliet Chiwoma Ziyambi (19).

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanotsinhira kuti Principal anonzi akajajada baba vake nedemo achivapomera kudanana nemudzimai wake.
“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yemwanakomana ari kupomerwa mhosva yekutema baba vake nedemo. Tinoti pachivanhu tezvara nemuroora ngavaremekedzane,” vanodaro.
Tezvara Robert vanonzi vakabuda pachena kuti vapengesana murudo nemuroora wavo kuchechi kwavanopinda nekudare remusha iro rakaitwa mushure mekuputika kwenyaya iyi.
Zvisinei, Juliet ari kuramba kuti anodanana natezvara vake.
Kwayedza haina kukwanisawo kutaura natezvara Robert avo vainzi vakambotiza pamusha kwemazuva maviri apo vaitsvagwa nevatori venhau uye Principal haanawo kuonekwa sezvo achinzi aiva kuGweru.
Asi Mai Susan Maramba (51) avo vanova vamwene vaJuliet, vanotsinhira nyaya iyi vachiti inovarwadza zvikuru sezvo vanga vachigara nemuroora uyu vasingazive kuti vari “kusanganiswa pabonde” nemurume wavo Robert.
“Murume wangu akabuda pachena oga taenda kumasowe kwaMurambinda kwaMadzibaba Nesby apo akanzi nemuporofita sei aindiparika. Taiva tose kumasowe uku nemwanakomana wedu, Principal. Vakabvuma baba kuti vanodanana nemuroora Juliet,” vanodaro vamwene ava.
Tezvara ava vanonzi pavakadura nyaya yekudanana kwavo nemuroora, vakabva vakumbira ruregerero kumwanakomana zvose nemudzimai wavo.
“Baba vakakumbira ruregerero kumwana vachiti, ‘mwana wangu ndiregererewo ndaitora mudzimai wako ndichimuita mukadzi’. Kana nekwandiri vakatiwo, ‘mukadzi wangu ndiregererewo ndaikusanganisa nemuroora’,” vanodaro Mai Maramba.
Vanoti vakazobva kumasowe uku ndokusvikounganidza vamwe vemhuri iyi apo tezvara Robert aakadzokorora mashoko ake ekuti anodanana nemuroora wake.
“Dare raunganidzwa naiye muridzi wemudzimai Principal, vanatezvara vangu nemadzimwene vemuno vakaudzwa mashura aya apo murume wangu akabvuma kuripa mwanakomana wedu mombe mbiri — madhonza — iniwo ndokuripwa mombe imwe chete ine zamu. Dzakatoripwa, yangu yakatobereka izvozvi,” vanodaro vamwene ava.
“Neshungu, Principal akati haadi kuchengeta mombe idzi, achibva adzitengesa. Ini yangu ndakachengeta, irimo mudanga nemhuru yayo,” vanodaro Mai Maramba.
Tezvara ava vanonzi vakatanga kudanana nemuroora wavo apo mwanakomana wavo aiva kuchikoro cheNational University of Science and Technology (NUST), kuBulawayo, uko ari kudzidza.
“Murume wangu aitorana nemuroora vachienda kuhuni kana kunodiridza nekuita mamwe mabasa kugadheni riri kurwizi rwaMarovanyati. Zvaindishamisa kuti vaitaura nyaya dzerudzii ikoko — nyambisirwa ndaiva pabarika nemuroora,” vanodaro Mai Maramba.
Vanoti runyerekupe rwekudanana kwemurume wavo nemuroora rwaitaurwa nevanhu vachiti vanovaona vachiita “zvinorova” kubindu.
“Ndaishungurudzwa nemurume uyu achinditi ‘pano panoti Mamoyo’ vachiti ndiye akanga ava muridzi wepamba, kureva Juliet. Ndakatombotiza ndikadzokera kumusha kwangu kwaMushongwi, kwaMuzokomba, nekuda kwenyaya iyi ndikavasiya baba nemuroora wavo.”
Vanoti muroora uyu akaita zvekutizira musi wa16 Chikumi 2016 uye atova nemwana ane makore maviri nemwedzi mitatu yekuberekwa.
Mai Maramba vanoti Juliet ndiye muroora wavo bedzi sezvo vaine mwanakomana mumwe chete nevasikana vana.
“Baba vanga vava kugara vachishungurudza mwanakomana wedu vachida kuti abve pamba vachiti havadi kumuona paanodzoka kuyunivhesiti.
“Principal akazorwisana nababa vake akavarova nemupinyi, kwete zvekunzi akavatema nedemo,” vanodaro Mai Maramba.
Vanoti vaisara vachigara nemuroora apo murume wake ainge adzokera kuchikoro kuBulawayo.
“Muroora uyu paakatizira, akabvisirwa mombe mbiri dzekuroora natezvara vake ava, hatina kuziva kuti kuita uku waisava mwoyo chena,” vanodaro.
Mai Maramba vanoti nyaya yekuti Principal akarwisana nababa vake yakamhan’arwa kumapurisa ekwaMurambinda izvo zvakazoita kuti mwanakomana uyu atize pamusha kusvika nanhasi.
Mashoko avo anotsinhirwa vanatezvara vavo, Sekuru Murombo Tandarinda (81), vachiti zvakaitwa naRobert zvinonyadzisa zvikuru.
“Takanyara nazvo semhuri, kuti chokwadi mwana wangu Robert akabvuma kuti anodanana nemuroora. Chokwadi here nyika yakawanda vakadzi kudai?
“Akabvuma padare redu remusha ndokuripa mombe imwe chete kumukadzi wake nemombe mbiri kumwanakomana wake. Ini ndakagara nevaroora vakawanda zvikuru asi ndichivaremekedza.
“Nyaya iyi yakatanga kuzara kuvatorwa asi isu varidzi vemusha tisina chataiziva. Ndini baba muno mumusha kumhuri iyi, zvino ndinonzwa kuti iye muroora wacho akazobva akaenda kumusha kwake oga pasina akamutandanisa,” vanodaro.
Mbuya Janet Mhete (78), avo vanove amai kuna Robert, vanotsinhirawo nyaya iyi.
“Takashevedzwa kudare remusha uyu Robert akabvuma kuti anodanana nemuroora wake, iye muzukuru wangu Principal aripo zvose nemukadzi wake. Akakumbira ruregerero kwatiri ndokuripa mombe kumudzimai wake uye ndokupa mwanakomana wake mombe mbiri.
“Ini ndaiva ndati aripe mukadzi wake mombe shanu, mwanakomana omupa mombe nhatu,” vanodaro.
Juliet — uyo akawanikwa ava kugara kumba kwanasekuru vake uko akakurira — anoramba kuti anodanana natezvara vake.
“Nyaya ndinongoinzwa, kuti ndinodanana natezvara vangu asi hapana zvandinoziva ini. Ndakabva kumba kwana Principal nekuti akandiunzira mumwe mukadzi kubva kuchikoro kwake kuBulawayo uye ane mumwe musikana waakapa nhumbu muno maMurambinda. Zvemombe dzinonzi dzakaripwa vamwene vangu nedzakapihwa Principal ndivo vanozviziva, ini ndinoziva mbiri dzandakabvisirwa dzekuroorwa idzo dzakaendeswa kwanasekuru vangu,” anodaro Juliet.
“Principal akandisiya ndiine pamuviri pemwedzi miviri ndokuenda kuHarare apo akazodzoka ndokuzoenda kuBulawayo kuchikoro ini ndokusara ndichigara natezvara vangu navamwene,” anodaro.
Asi Juliet anobvuma nyaya yekuti ainoswera kubindu nekuperekedzwa kunotsvaga huni natezvara vake.
Sabhuku wemumusha uyu, VaTakavada Gamanya (87), vanoti nyaya iyi vanoinzwa nemakuhwa, kuti tezvara nemuroora vanodanana.
“Inyaya dzatinongonzwa matinonwa doro umu, kuti Robert anodanana nemuroora wake mudzimai wemwanakomana wake. Inyaya yakatosvika pakuti mwana ateme baba nedemo.
“Tinomuona akaiswa bhandeji ruwoko, tinonzwa kuti vakaripisana asi mambo wemuno VaMurambinda havana zvavanoziva. Zvamauya imi (veKwayedza) ndichaisimudza ndinovataurira uyewo ndichasvikako zvakare kumhuri iyi.
“Tinodawo yedu mombe semadzishe yekusvibisa dunhu redu nemakunakuna,” vanodaro.
VaJoseph Tongai (36) vanova baba kuna Juliet vanoti nyaya iyi vakangoinzwa kuti mwanasikana wavo ari kudanana natezvara asi hakuna nhume yakasvika kwavari.
“Isu takatomirira imwe pfuma yedu pamusoro pemombe mbiri dzavakabvisa dzikaendeswa kwanasekuru vemwana wedu.
‘‘Zvekuti azodanana natezvara zvimwe izvo, kusvikira vatitaurira nenzira kwayo.
“Tinotodawo kuripwa natezvara wake nekutishora uko akaita pakudanana nemwanasikana wedu,” vanodaro.




