Murume (20) otsvagwa mushure mekushaikwa angobva pamba

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kutsvaga Enock Chiduwa (20), uyo anogara mumusha weRunyararo West kuMasvingo, mushure mekunge abva pamba ndokuenda kusina anoziva.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Assistant Inspector Masauso Patinyu, vanoti Chiduwa (20) anogara panhamba 15407 mumugwagwa waMazorodze Street kuRunyararo West.

Akagumisira kuonekwa achibva pamba nemusi wa8 Ndira gore rino.

Vanoti murume uyu paakabva pamba apa, aiva akapfeka t-shirt nhema nemutirauzi wemhando yeChino weruvara rwegrey.

“Murume ari kutsvagwa uyu mutete akareba mamita 1,6 uye ari mushava. Akabva pamba pake nemusi wa8 Ndira gore rino achienda kusina anoziva,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Vanokumbira kuruzhinji kune vane mashoko kana vanoziva kuna Chiduwa kuti vazivise mapurisa ari padyo navo.

“Vane zvavanoziva ngavazivise mapurisa ari padyo navo kana kutaura naOfficer In-Charge ZRP Chikato, Inspector Zivai Mlambo, pa0775 769 826, 0392262137 kana kutaura naInvestigating Officer munyaya iyi Constable Clara Shava pa0778 063 187,” vanodaro Asst Insp Patinyu.

Vanoyambirawo veruzhinji kuti kana munhu achifamba rwendo ngaazivise vaanogara navo kana vari padyo naye.

Mapurisa anoti vari kushushikana zvikuru nekuwanda kuri kuita nyaya dzevanhu, kusanganisira vana, vari kungoshaikwa zvisina tsarukano mudunhu reMasvingo.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×