Murume (24) aponderwa doro rake

Fairness Moyana ari kuHWANGE

MURUME ane makore 24 okuberekwa anonzi akaponderwa doro nemumwe murume uyo akange amubvutira hwahwa hwake ndokuzama kutiza nahwo panzvimbo yemabhizimisi kuLupane.

Mushakabvu ndiThamsanqa Moyo, wekwaSabhuku Mkarabuli Village kwaMambo Mabhikwa, kuLupane.

Ari kufungidzirwa kuti ndiye akapara mhosva iyi,

Joseph Dube, uyo anogara mubhuku rimwechete iri, ari kutsvagwa nemapurisa.

Mapurisa anoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa22 Zvita nenguva dza5pm paMatabele Shop, kuLupane, apo varume vaviri ava vainwa doro.

Dube anonzi akabvuta doro raMoyo ndokuzama kutiza.

Moyo akamudzingirira ndokubva amutorera doro iri, izvi zvinonzi zvakagumbura Dube zvakanyanya.

Dube anonzi akazoburitsa banga rerudzi rweOkapi kubva muhomwe dzake. Moyo akazama kutiza, asi anonzi akabva abatwa naDube uyo akabva amubaya nebanga kamwechete pabendekete rekurwudyi uye kamwechete zvakare pachidya.

Mumwe munhu aivepo akanunura dzivo iri ndokukwanisa kutorera Dube banga, uyo akabva atiza kubva panzvimbo iyi.

Moyo, uyo akange akuvara zvakanyanya, akabva amhanyiswa kuGomoza Clinic kuti anorapwa.

Zvisinei, akazofa achangosvika pakiriniki iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa.

“Tinotsinhira nyaya yekupondwa kwemurume ane makore 24 okuberekwa uyo akabaiwa nebanga paMatabele Shop kuLupane mushure mekunetsana,” vanodaro.

“Kuferefetwa kuti kuenderera mberi uye ari kupomerwa kupara mhosva iyi haasati asungwa. Tinokurudzira veruzhinji kuti vasashandise mhirizhonga senzira yekugadzirisa kusanzwisisana kwavo asi kuti vatsvage dzimwe nzira dzine runyararo uye zviri pamutemo mukuyanana.”

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *