Muchaneta Chimuka
MURUME ana makore 29 okuberekwa wekuChitungwiza akatemwa-temwa shaya nesimbi nemumwe murume zvakaita kuti arasikirwe nemazino maviri mushure mekunge agumburiswa nekutukirira kwaaiita amai vake.
Shaya imwe neimwe yakadonha zino, mamwe akasara achizununguka.
Innocent Musocha (45) wepanhamba 4419 St Mary’s akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates Court nemhosva yekurova Itai Chingaya uyo waasina hukama naye.
Mutongi Batsirai Madzingira vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi asi vakazomubvisira mwedzi mina pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva ine chekuita nemhirizhonga makore mashanu asati adarika.
Muchuchisi Tanyaradzwa Joyce Gava vakaudza dare kuti nomusi wa25 Zvita gore rapera munguva dzemanheru, Chiganya akasvika paive naMusocha achibva amuwana ari mushishi kupopotera amai vake.
Musocha anonzi haana kufadzwa nazvo achibva atanga kunetsana naChiganya.
Akabva atora simbi iyo akamutema nayo pashaya dzese dziri mbiri zvakaita kuti arasikirwe nemazino maviri uye mamwe akasara achizunguzika.
Musocha akatongwa nemhosva yekurova pasi pemutemo weAssault as Defined in Section 59(1)(a) of the Criminal Law and Reform Act Chapter 09:23.



