Murume (37) asungwa awanikwa aine midzatsa 16 yembanje

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 37 okuberekwa, Danisa Ncube, akasungwa mushure mekuwanikwa aine midzatsa 16 yembanje iyo yaive mubhegi rake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti murume uyu akasungwa nguva pfupi yadarika ari pachiteshi chemabhazi cheKudzanayi Bus Terminus kuGweru.

“Matikitivha echikamu cheCriminal Investigations Department (CID) eDrug and Narcotics ekudunhu reMidlands, mushure mekunyeverwa nevamwewo vanhu, vakasvikira murume uyu, Danisa Ncube, wekuSection 3 kuMtapa kuGweru achangogashidzwa mbanje iyi ndokubva vamusunga,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti Ncube akasechwa akawanikwa aine mbanje midzatsa inokwana 16 yaiva yakaiswa munzvimbo dzakasiyana mubhegi rake

Akatomiswa mudare nemhosva yekuwanikwa aine mbanje nguva pfupi yadarika uye nyaya yake ndokudarikidzwa mberi.

Mbanje yakawanikwa iine musungwa uyu yakachengetedzwa nemapurisa uye ichashandiswa seumbowo mudare.

“Tinoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekutengesa zvinodhaka zvisingabvumidzwe pamutemo uyewo tinokurudzira vanhu kuti vamhan’are kumapurisa vakaona vose vanotengesa zvinodhaka,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti ibasa remunhu wose kurwisa nyaya dzekutorwa nekushandiswa kwezvinodhaka munyika.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *