Murume anogara mumugwagwa apondwa anetsana neshamwarikadzi

Tendai Gukutikwa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kwaMutare vakasunga vanhu vaviri nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuponda murume aigara mumigwagwa uyo ane mutumbi wakawanikwa padyo reLeon Garage mushure mekunetsana nemumwe wavaviri ava anove shamwarikadzi yake.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya yekufa kwemurume uyu akangozivikanwa nekunzi Tapiwa.

Vanoti mukufeewa kwenyaya iyi, zvinotaridza kuti akafa nekurohwa.

“Akafa uyu ainzi Tapiwa uyo aisava nepekugara sezvo aimberereka mumigwagwa achigara munzvimbo yeOld Leon Complex. Aive murudo nemumwe wevanhu vakasungwa ava, Mary Marondo (27) wekwaSabhuku Chawaita kudunhu raMambo Marange kuBocha,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoti Tapiwa naMarondo vaizivikanwa vachidanana panzvimbo yeOld Leon Complex uye vose vaitora zvinodhaka.

Asst Insp Chinyoka vanoti nemusi wavakarwisana uyu, Marondo akaonekwa munzvimbo iyi vachitora zvinodhaka.

“Dambudziko iri rakatanga nemusi wa11 Zvita nenguva dza2 masikati, apo vaviri ava vakatanga kunetsana murume uyu achipomera mudzimai uyu mhosva yekuparadza midziyo yake,” vanodaro Asst Insp Chinyoka. Panguva iyi, vaviri ava vakatanga kurwisana apo Marondo akarova Tapiwa nembama kakawanda.

Vanoti Kelvin Bande wekuOld Leon Complex aivapo pakarwisana vaviri ava pekutanga.

“Bande akazobva pane vaviri ava achibva anorara muimba yake yekurara apo Marondo anonzi akazoenda kunochera mvura kuGreen Gate mumugwagwa waFifth Street chinhambwe chinokwana mamita 200 kubva pavaigara,” vanodaro Asst Insp Chinyoka. Zvinonzi nenguva dza4 mangwanani zuva rakatevera, Bande akamuka ndokuona Tapiwa akatofa mutumbi wake wakatarisa mudenga.

“Bande akaenda kunotsvaga rubatsiro akazonotaurira Marondo apo vakadzoka vose vakaona kuti Tapiwa aiva akatofa kare. Vaviri ava havana kuenda kunomhan’ara kumapurisa asi vakataurira mumwe munhu wechitatu uyo akazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP

Mutare Central. Mapurisa akabva aenda kunotanga kufeya nyaya iyi,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Mapurisa vakaona mutumbi waTapiwa usina kupfeka zvakanaka wakapfeka tarauzi rejean uye uine mavanga.

“Mutumbi uyu waiva nemavanga kuruoko rwekuruboshwe uine ronda kugotsi wakarara nemusana. Mapurisa vakazowanawo mumwe mufakazi wechitatu munyaya iyi uyo akaona vaviri ava vachirwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoti mufakazi wechitatu uyu anoti akaona Marondo achirwa naTapiwa uyewo ndokuzoona Bande achirova Tapiwa apo anonzi aiedza kuvarandutsira.

“Mapurisa vawana mashoko aya, vakabva vazosunga vose Marondo naBande avo vari kubatsira mukufeewa kwenyaya iyi. Mapurisa havasati vawana hama dzemufi uyu,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Vanoti vari kutsvaga hama dzemufi uyu uye vanokurudzira vanhu vasiri kuona hama yavo inonzi Tapiwa kuenda kumapurisa eMutare Central Police Station.

“Tinoyambira ruzhinji kuti kana vanetsana vasiyane nekurwisana asi kuti vatsvage vayananisi uyewo hatikurudziri vanhu kutaura nyaya dzavo kana vachinge vakadhakwa,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×