Murume aponda aimbove shamwarikadzi yake yaramba kuti vadzokerane

Muchaneta Chimuka

MUKADZI ane makore 26 okuberekwa wekunzvimbo yeHuni Compound kwaMambo Chireya, kuGokwe anonzi akabaiwa nebanga ndokufa nemurume waimbodanana naye mushure mekunge aramba kuti vadzokerane murudo.

Nyaya iyi yakaitika paHuni Compound padyo neZenda Business Centre nguva pfupi yadarika.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Nancy Sumburani ndiye akapondwa uye ari kupomerwa kupara mhosva iyi ndiLeanard Tomu (30) wekuVillage 24A kwaSabhuku Fakazi kwaMambo Chireya kwakare.

“Zvinonzi Tomu akashanyira nzvimbo yeHuni Compound achida kukumbira ave mufi uyu kuti vange vachidzokerana murudo asi Sumburani akaramba. Akawana Sumburani ari kumba nemukoma wake, Alerta Makore, vachibva vataura nasekuru vake Jonathan vakaedza kumira semunyai kuti vaviri ava vadzokerane asi Sumburani akaramba zvinova zvisina kufadza Tomu akabva atanga kuita mhirizhonga,” vanodaro.

Tomu nekushatiriswa uku, anonzi akabva panzvimbo iyi asi akazodzoka mushure memaminitsi makumi matatu achida nharembozha yake kubva kuna Sumburani iyo aiti yaikosha US$100.

Nharembozha iyi anonzi akamupa panguva iyo vainge vachiri kupisa rudo.

“Vaviri ava vakanetsana Tomu achibva abudisa banga iro akashandisa mukubaya Sumburani achibva angofira panzvimbo. Mutumbi wake wakazoendeswa kumochari yekuGokwe North uko wakamirira kuongororwa nanachiremba uye ari kupomerwa kupara mhosva iyi anotarisirwa kuzopinda mudare pane ipi zvayo nguva,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekuita mhirizhonga sezvo zhinji dzacho dzichiguma nerufu asi kuti vatsvage mazano ekuyananiswa kubva kuvanhu vakuru vari padyo navo kana mapurisa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *