Yeukai Karengezeka
MURUME wemuHarare, David Jambanja (36), ari kupomerwa mhosva yekuponda zvichitevera kufa kwemumwe wake, Tinashe Kapfunde, mushure mekumurova zvakaipisisa nemugoti nekuda kweUS$1 iro raive rashaikwa kumba kwavo.
Jambanja akamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare Magistrates Court, Mai Ruth Moyo, nemusi weMugovera wadarika ndokudzokera mutirongo achimirira kunzwa kuti anokodzera here kubvisa mari yechibatiso kuitira kuti apihwe bhero.
Maererano nemagwaro edare, chiitiko ichi chakatora nzvimbo imwe nguva munaKurume gore rino.
Jambanja anonzi akamutsa Kapfunde, uyo akanga akarara, achimupomera mhosva yekuba US$1 pamba pavo.
Nehasha, Jambanja anonzi akarova Kapfunde nemugoti kasingaperi mumusoro kusvikira watyoka.
Akazoshandisa mumwe mugoti zvekare kuenderera mberi nekurova Kapfunde zvakaita kuti akuvare zvakanyanya mumusoro.
Amai VaKapfunde, Winnet Mutedza, vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Akatanga arapwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals asati aburitswa kuti apore ari kumba.
Hurwere hwaKapfunde hwakazokwidza munaChivabvu zvakaita kuti amhanyiswe kuchipatara cheSally Mugabe Central Hospital asi ndokudzoserwa zvekare kuParirenyatwa Group of Hospitals kuti anorapwa.
Sezvineiwo, Kapfunde akashaya musi wa14 Chivabvu, nenguva dza8 manheru.



