Muchaneta Chimuka
KANZURU yeChitungwiza yokurudzira vagari vemudhorobha iri kuti vakoshese nyaya dzeutsanana senzira yekudzivirira kunyuka kwetsikidzi pamwechete nechirwere checholera.
Kurudziro iyi yakaitwa pamusangano wakaitwa nevekanzuru iyi pamwechete nevagari vemuChitungwiza kuWard 22 kuUnit O svondo rapera uyo waive nechinangwa chekunzvera mamwe ematambudziko ari kusanganikwa nawo.
Matambudziko aya anosanganisira kusatevedzwa kwenzira dzehutsanana izvo zvinogona kukonzera kunyuka kwetsikidzi, kushaikwa kwemvura uye dambudziko guru riri rekutushuka kwesuweji pese – pese nekusatakurwa kwemarara zvinova zviri kuisa veruzhinji panjodzi yekubata nezvirwere zvemanyoka.
Vachitaura pamusangano uyu, Mai Gloria Taguta, vanova environmental health officer paSeke North Clinic uye vachishanda vari pasi pekanzuru iyi vanoti dambudziko retsikidzi richirimo munyika nokudaro veruzhinji – kunyanya vagari vemuChitungwiza avo vanogara vakaita chitsoko-tsoko – vanofanira kuchengetedza hutsanana nekuti mikana yekutekeshera kwadzo yakakura.
“Patakakura, zvainzi tsikidzi dzinoruma asi hadziurayi asi nhasi tinokuyambirai kuti tsikidzi dziriko ngatisarivara nokudaro mushonga mukuru wekudzivirira tsikidzi kuchengetedza hutsanana. Tine vamwe vanhu vachiri kuchengeta mikwende yembatya mudzimba zvinova zviri kukoka makonzo netsikidzi mudzimba dzedu. Patinoenda kunotenga mabhero, ngatitangei tadziwacha mbatya dzacho uye toayina nekuti tiri kutoona vamwe vanhu vachitopfeka mbatya dzavo pamusika ipapo votofamba,” vanodaro.
Mai Taguta vanoti mabhazi nemakombi zvinofanirawo kushambidzwa mukati nekufiritwa kuitira kuti kana paine tsikidzi dzakapindamo dzinobva dzangoparadzwa.
“Tine dambudziko revanhu vari kuchengeta imbwa asi vasiri kudzibaisa majekiseni ekurwisa zvirwere zvakadai sechimbwamupengo nezvimwe. Imbwa kana dzikasashambidzwa dzinoparadzira tsikidzi kuvanhu saka padzinorara panofanira kunge pakachena,” vanodaro.
Dambudziko retsikidzi rakanyuka kuMbare muHarare nguva pfupi yadarika uye parizvino dzatekeshere kune dzimwe nzvimbo dzemunyika idzo dzinosanganisira kuKwekwe.
Meya weChitungwiza, Mai Rosaria Mangoma, vanoti hurukuro dzemhando iyi dzakakosha nekuti dzinoita kuti vagari vemudhorobha iri nekanzuru vaumbe chisungo chimwechete chinosimudzira mabasa ebudiriro.
“Tinofara kuti vagari vawana mukana wekutizivisa matambudziko avari kusangana nawo saka tichibatsirana zvekare kuti toagadzirisa sei. Tanzwa dambudziko resuweji iro rakakura saka tiri mushishi kubvisa mapaipi madiki esuweji tichiisa mahombe kuti zvifambirane nehuwandu hwevanhu vatave navo. Takatotanga chirongwa chekubvisa mapaipi ekare tichiisa matsva kubva kuUnit M, D neZengeza saka tiri kupinda muO asi kushomeka kwezvekushandisa ndiko kuri kunonotsa kuitwa kwebasa. Tiri kuda kutenga muchina unochera pasi (excavator) pane kuti tipone nekuhaya. Marara tiri kutakura svondo nesvondo uye kusiri kutakurwa tinokurudzira vagari vatizivise. Tiri kugiredha migwagwa kuitira kuti Chipiri chega-chega marara atakurwe, chakakosha kuti vanhu vaise masaga emarara panze,” vanodaro.
Padambudziko remvura, Mai Mangoma vanoti kanzuru yavo iri kuwana mvura kubva kuHarare sezvo Chitungwiza isina madhamu.
Betty Jasoni anova gender focal person kukanzuru yeChitungwiza anoti nharaunda yedhorobha iri inofanira kuiswa ma’Street Lights’ kuitira kuti madzimai nevanasikana vasashungurudzwe apo vanofamba munguva dzemanheru.
Keisha Musiiwa anova Junior Chamber Secretary kuJunior Council yeChitungwiza anotiwo dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki riri kuramba richikura.
Anoti panoda mushandirapamwe weHurumende nemapoka akazvimiririra uye vechidiki vacho kuti vatsigirwe mumabhindauko anovapa chouviri senzira yekuti vasiyane nekatsika kekutora zvinodhaka.
Mbuya Elizabeth Mapfumo vanova mugari wemuChitungwiza vanoti marara ari kunonoka kutakurwa izvo zvave kuita kuti vanhu vamarasire mumadhireni anofamba mvura zvichikonzera mafashamu panguva yekunaya nekuti inenge isisina pekufamba napo.



