Murume apondwa anunura musikana aive obatwa chibharo

Kingstone Mapupu

MURUME wekuGokwe ane makore 25 okuberekwa akapondwa nevamwe varume vaviri mushure mekununura musikana wavakanga vave kuda kubata chibharo.

Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika kwaSabhuku Cheuchi kudunhu raMambo Nenyunga kuGokwe North uye akapondwa ndiTobias Cheuchi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nemusi uyu varume vaviri vanosanganisira Ernest wekuSimuchembo 1 nemumwe asina kukwanisa kuzivikanwa vakasangana nemusikana wemakore 16 anobva mumusha mumwechete navo ndokumutaurira kuti vaida kuita bonde naye.

“Musikana uyu akachema apo akanga ava kuda kubatwa chibharo nevarume vaviri ava ari mubindu zvakaita kuti murume uyu aende kunoona kuti chii chaiitika. Akasvika ndokuwana varume vaviri ava vakabata musikana uyu nechisimba vakabva vamuregera vaona kuti vakanga vaonekwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Varume vaviri ava vakabva vashatirwa ndokutanga kuenda kwaive naCheuchi vaine mapanga erudzi rweokapi ndokumubaya pachipfuva kanomwe nepadumbu vachibva vatiza.

“Varume ava vabva kutiza, Tobias Cheuchi akazowanikwa nemukoma wake arere mudivi reropa uyo akazomutakura kuenda naye kuNenyunga Clinic uko akamuendesa nechikochikari chaidhonzwa nemombe achibva ashaika vasati vasvika kukiriniki,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokumbira kuruzhinji kune vanoziva nezvenyaya iyi kuti vabatsire mapurisa nekwakatizira varume ava kuti vasungwe.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *