Murume aurayiwa negarwe achiwonga goridhe

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 22 okuberekwa akarwiswa negarwe iro rakamukuvadza zvakanyanya zvikazokonzera rufu rwake apo aiwonga goridhe nemudzimai wake murwizi rwaMusengi, kuChinhoyi.

Inspector Ian Kohwera vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West vanoti tsaona iyi yakaitika nemusi wa24 Kurume nenguva dza12 masikati.

“Tine murume anonzi Enock Rukowa (22) wekupurazi reMusengi kuChinhoyi akarumwa negarwe achiwonga goridhe nemudzimai wake, Charity Tembo (19), vari murwizi rwaMusengi. Panguva yavaiwonga goridhe iyi, murume uyu akangoerekana arumwa negarwe mudzimai wake akatarisa richibva ramundundurudza kupinda naye mumvura apo mudzimai wake airidza mhere kuti vanhu vauye kuzovabatsira,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti rumwe ruzhinji rwemumusha rwakamhanya kurwizi uku uko vakasvikotanga kupotsera matombo vachitema garwe iri.

“Nekuda kwekutemwa nematombo uye nekuvhundukawo vanhu vakawanda vaiva vakomba rwizi urwu, garwe iri rakabva raregedza murume uyu ndokumusiya kumahombekombe erwizi ramukuvadza zvakanyanya pachipfuva uye nekumutyora ibvi regumbo rekuruboshwe. Murume uyu akazofa nekuda kwemaronda ekurumwa aya apo vanhu vemunharaunda iyi vakange vava kuda kumutakura kuenda naye kuchipatara,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekupinda munzizi kana mumadhamu nekutambira padyo nenzvimbo dzine mvura yakawanda.

“Munzizi kana mumadhamu munowanikwa zvikara zvakaita semakarwe uyewo nenyoka saka vanhu vanofanirwa kungwarira kana vachienda padyo nemvura iyi. Zvisinei kuti murume uyu aitsvaga kuraramisa mhuri yake navadzimai vake kusvikira azorasikirwa neupenyu, zvakakosha kuzvichengetedza,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti kunze kwekurumwa nemakarwe nezvimwe zvikara zvemumvura, vanhu vanogona kusanganawo netsaona dzekuny’ura kana kuyeredzwa.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *