‘Murume ndinomudawo’

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI nyachide pabarika akazvuzvurudzira vahosi vake kudare achiti vari kumuonesa ndondo nekumutumira mashoko ekumutuka nezvinyadzi panhare yake uye murume anopedza mazuva akawanda ari kumba kwavo izvo zvinomurwadza zvikuru.

Maxentia Chideme akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira Chengeto Chibaya achida gwaro rerunyararo.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chideme gwaro rinomuchengetedza.

Chideme anoti akaroorwa pamwe chete naChibaya asi anomushungurudza achimutumira zvinonyadzisira panhare yake.

“Uyu ndimaiguru mukadzi wekutanga wemurume wangu. Ndakaroorwa gore rapera asi amai ava havandifarire. Vanondituka vachinditumira mameseji ane zvinhu zvisingataurike muno, anonyadzisira zvekuti.

“Zvekare vanofonera hama dzangu vachidzitukirira. Vanogara vachivhura ma’status’ angu (paWhatsApp) vobva vatanga kundinyomba vachiti unovhaira,” anodaro Chideme. Anoti akamboudza murume wavo kuti ndizvo zviri kuitika asi akamuti vagadzirisane.

“Murume wangu ndakambomuudza kuti ndizvo zviripo akatiudza kuti tigadzirisane. Ndaimboenda kumba kwavo nekuti murume anongouya kumba kwangu kamwe chete musi weSvondo chete apo vanobva vapopota asi mamwe mazuva anenge ari kwavo. Ini ndine mucheche pari zvino, ivo vane vana vati kurei saka murume anofanira kupota achienzanisa.

“Vakambondiudza kuti ndiri kunzwa kuda kungokurova. Dzimwe nguva vanonditi huya tigare tose pano nekuti kwauri kurojerwa kunopedza mari. Ngavasauye kumba kwangu uye ngavaregedze kundishungurudza asi vana vanouya havo,” anodaro.

Achipawo divi rake, Chibaya anoti havanetsane asi kuti dzimwe dzenguva anobatikana nemaitiro aChideme.

“Handivanetse ini. Ivo ndivo vanouya kumba kwangu, pandinozotaura mashoko ndinenge ndakurirwa neshungu. Kana vachida kuti vana vangu vauye kumba kwavo vanoenda havo. Handina dambudziko nechikumbiro chavo,” anodaro Chibaya.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *