Murume oshevedza mhuka dzesango nebhosvo renyanga yemhembwe

Kingstone Mapupu

HARAHWA ine makore 75 okuberekwa inogara mumusha waSabhuku Taona, mudunhu raMambo Chikwizo, kwaMutoko, kuMashonaland East, inoti inoshevedza mhuka dzesango pamwe chete nenyoka nekuridza bhosvo rakagadzirwa nenyanga yemhembwe.

Sekuru Richard Karunzva vanoti kuvhima vachishandisa bhosvo iri vakakudzidziswa nemumwe mukomana wekuMozambique uyo vaiwirirana naye.

Vanoti mukugadzira bhosvo iri, vanoveza nyanga iyi, voisa namo nekuzosunga nepurasitiki, izvo zvinoita kuti pabude ruzha kana kuti maungira avanoti anoshevedza mhuka dzesango.

Zvisinei, mumhuri memusharukwa uyu munonzi mune matambudziko makukutu anokonzerwa nemhiko dzekuvhima.

“Pakugadzira pito iyi kana kuti bhosvo rekuvhimisa iri, hapana chinoiswa, kana iye akandidzidzisa wacho hapana chaanoisa. Handizivi kuti chii chakavandika pakurira kwepito iyi chinoita kuti mhuka dziuye. Nyoka chaidzo dzinouya, kana mbada neshumba, paunoridza uri musango. Dzinouya, hazvina mhosva kuti usiku here; dzinosvika pedyo neni, ndopfura zvangu nepfuti,” vanodaro Sekuru Karunzva.

Vanoti vanoridza bhosvo iri vaine tochi nepfuti yavo, apo mhuka dzinosvika pavari, vobva vadzipfura dzakawanda, dzichidarika ina kana shanu panguva imwe chete.

“Ndaigara ndiine nyama yemhuka, imwe ndichitengesa. Izvo zvokuti ndakarombera kuvhima handizvo. Panyaya yepito, hapana urombwa; kuvhima kwakachena. Asi handiziviwo kana ndiine pandakazobata-bata panoita kuti ndizonzi ndakaromba,” vanodaro Sekuru Karunzva.

Asi mhuri yavo inoti iri kutambudzwa nemweya yetsvina apo vamwe vari kurasika njere. Vanasikana vanonziwo vanorambwa nevarume uye kushinha nevanhu vavasingaoni.

“Hongu, mhuri yangu ine matambudziko akasiyana-siyana, anosanganisira kurwara nenjere. Ndine mumwe mwana akatiza pamba, ave kugara musango. Uyu atodarika makore gumi ari musango. Mumwewo anobatwa nemhepo. Handizivi kuti chii. Ndakaita madzimai maviri, ayo ane vana gumi nevaviri, asi vamwe vana havadi kundiona kana kukwazisana neni,” vanodaro Sekuru Karunzva.

Hazvinei Karunzva (32), anove mwanasikana wasekuru ava wekumhuri yemudzimai mudiki, uyo anobva mumusha waSipanera, kwaMambo Chikwizo, anoti vatambura nenyaya yemhiko yakatorwa nababa vavo yekuvhima mhuka.

“Baba vedu vaive nechipari. Amai vangu vakashaya uye ndivo vaive mudzimai mudiki. Vana tinokwana 12, vakomana 7 vasikana 5. Kwaamaiguru, vanonzi Faustina Nyakabawu, naamai vangu, vainzi Dorothy Zano, hakuna vana vane rugare; tose tine matambudziko,” anodaro Hazvinei Karunzva.

Anoti vanasikana vemumhuri mavo havaroorwi uye kune anenge aita mhanza yekuroorwa, haagoni kugara mumba macho.

“Ini ndakaroorwa asi ndinogara ndichinetsana nemurume nguva nenguva, kana kuramba rukukwe chaiko. Tine hanzvadzi inopunzika nekubatwa nengozi uye vakuwasha vanotiza misha. Kwose kwatinofamba tinotaurirwa kuti matambudziko edu anobva pamhiko dzababa dzekuvhima,” anodaro Hazvinei Karunzva.

Vana vanorasika njere mumhuri iyi vanonzi vanokwana vashanu.

Shorai Karunzva (48), anove dangwe mumhuri iyi, anotsinhira nezvematambudziko avakatarisana nawo, achiti vaneta nekuafambira.

“Mumhuri yedu tine matambudziko akawanda anosanganisira kurwara, kurasika njere nezvimwe zvakasiyana-siyana. Hongu, baba vanovhima vachishandisa pito kana kuti bhosvo rakagadzirwa nenyanga yemhembwe kushevedza mhuka. Hatizivi kana vakabata-bata,” anodaro Shorai Karunzva.

John Karunzva (39), mumwe wevanakomana vemumhuri iyi, anotsinhira achiti: “Matambudziko aya anongonzi inyaya dzakaparwa kare nemadzitateguru. Nyaya yekuvhima kwababa inotaurwa; hatizivi kuti inopinda papi mumatambudziko edu.”

Pamusha apa panonzi pane mumwe mwanasikana zvakare anorwara nepfungwa anogara akavharirwa mumba, uyo Kwayedza isina kuona.

Vemhuri iyi vakarambawo kutaura nezvake kana kumutaridza kuKwayedza.

Zvakadaro, paiitwa hurukuro naSekuru Richard Karunzva pane mumwe mwanakomana anonzi Richard Karunzva (Jnr), uyo akabva abatwa nengozi.

Mwanakomana uyu akazoedza kudzipa mutori wenhau uno, uyo akazozvinunura nekubatana mhandamatsipa nemuchinda uyu, apo vanhu vakaita bararamhanya.

Mweya uyu wakarwisa mutori wenhau uno kwechinguva, apo mukomana uyu aibatwa nevamwe vake, kusanganisira baba vake, kuti asadaro.

Mbuya Faustina Karunzva (75), vahosi vepamusha uyu, vanoti vatambura neurwere hwevana vavo.

Zvisinei, Sekuru Karunzva vanoti bhosvo renyanga yemhembwe ravairidza pakushevedza mhembwe rakazorasika, pfuti ikafa.

“Ndinoda kubatsirwa nokuda kwematambudziko akatarisana nemhuri yangu kana zvichinobatwa kuti ndakaromba, handizivi. Vana vanochera goridhe asi hapana chinobuda,” vanodaro Sekuru Karunzva.

Vemhuri iyi vakazotanga kukandirana nyoka mhenyu pamberi pevatori venhau, apo mumwe mukomana wekumudzimai mudiki aipomera baba vake kuti vakagumisira kukwazisana mugore ra2019.

Sekuru Karunzva vakarambawo kukwazisa mwanasikana wavo Hazvinei Karunzva.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×