Murume otsvagira mukadzi zvikomba

Tafadzwa Mutsotso —
MUMWE mudzimai akashamisa vanhu vaive mudare apo akati murume wake anotuma vamwe varume kuti vaende naye pabonde, izvo iye anotenderana nazvo.

Christine Chinyanyi akamhan’arira murume wake – Moses Phiri – kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushungurudza panyaya dzepabonde.

Chinyanyi akaudza dare kuti ave negore asiyana nemurume wake asi vachigara pamba pamwe chete, kunyangwe zvazvo vachirara mudzimba dzakasiyana.

Chinyanyi anoti: “Baba ava vanogara vachindishungurudza nekundituka vachinditi ndiri chifeve asi vari ivo vanonditsvagira varume vekushinha navo. Vanondidzinga pamba vachiti ndinogara nevarume vandinorara navo asi ini handibvi nekuti ndine vana navo uye ndikabva vana ndinovaisa kupi? “Varume vaanoti ndinoshinha navo ndiye anenge avatuma. Gore rapera, akatuma mumwe murume kuti andiite mukadzi. Murume uyu akasvika kumba kwangu husiku akati, ‘Ndatumwa nemurume wenyu kuti ndiite bonde nemi’.

“Ivo baba ava vakabva vangonyangarika husiku hwese ndakazovaona mangwana acho. Ndakabvuma kushinha naye murume uyu asi nemhaka yekuti ainge atumwa nemurume wangu.”

Phiri akaramba mashoko ekuti anoshungurudza Chinyanyi achiti anoita chipfambi.

“Amai ava vari kunyepa nekuti ini ndakarambana navo kare, muna 2013 mushure mekunge vandisungisa ndikaenda kutorongo kwemwedzi mitanhatu. Ndakadzoka vabva pamba, vave kugara kuEpworth nemurume wavari kutaura nezvake kuti ndakamutuma kuti aite bonde navo,” akadaro Phiri.

Akaenderera mberi achiti: “Musi wavari kuti murume uyu ndakamutuma kuti ashinhe navo, ndakatomusvikira ari mumba vakagara vose uye kuti vaiitei handizivi.

“Pavakanzwa kuti ndasvika, vakabva vanyarara ini ndikanyepera kunyarara vakafunga kuti ndaenda kure. Ndipo pavakabva vaburitsa bhasikoro apo ndaive ndakamira kuseri kwemba. Saka paakabuda ndakabva ndamubata ndikamubvunza kuti anga achiitei mumba mangu. Vanhu vemunharaunda vakatoungana.”

Phiri akapikisana negwaro raikumbirwa naChinyanyi achiti inzira yekuti awane maitiro chipfambi.

“Gwaro raari kukumbira ndinotopikisana naro nekuti iye ndiye ari kutondishungurudza achiita chipfambi pamba pangu. Ngaaende asiye vana vangu ndinochengeta ndega,” akadaro Phiri.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vadzoke kudare apo nyaya yavo yaizopihwa mutongo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *