Murume wangu mushakabvu ondipfukira

KUNA tete
Ndiri mukadzi ane makore 59 ekuberekwa. Dambudziko rangu rakadai: Ndainge ndakaroorwa uye ndigere zvakanaka. Ndine vana vatanhatu nevazukuru 15. Murume wangu asati ashaya takaita makore manomwe taparadzana pabonde. Iko zvino murume wangu ava nemakore matatu ashaya. Dambudziko ravapo zvino nderekuti murume ari kudzoka achirara neni husiku.

Ndaedza kun’anga dzakawanda kuti asadzoke asi zvaramba. Saka kunemi mose veZimbabwe kana paine anoziva vanozvigona ndibatsireiwo. Handingagare nemushakabvu mumba.
Gogo Yemurayi.
Zvimba.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru maonero angu mazvokuda mavanga enyora. Vakadzi vazhinji munosema varume venyu kana mava nevazukuru. Rudo munenge mava kupa kuvazukuru.

Uku kunenge kuri kushungurudza mumwe wako wawakaroorana ukachembedzana naye. Isu tinoziva kuti vana chipo chinobva kunaMwari kuti vazotibatsira kana tachembera, mhuri haifanirwe kuparadza rudo rwevaviri.

Zano randinokupa nderekuti iwe chitoripa murume wako, wotaurira hama dzake kuti ndiko kugarisana kwamakaita mumba murume asati ashaya. Kuripa kwacho panotoda hama dzoungana. Hama dzemurume wako ndidzi dzichataura naye kumhepo kwaari kuti asiyana newe.
Tete.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×