Kingstone Mapupu
MHURI yekuMvurwi, kudunhu reMashonaland Central, yakasara isina neremuromo apo baba vepo vairwara vanonzi vakangoerekana vawanikwa vakafa uye mutumbi wavo usisina rimwe ziso, nzeve nemuromo.
Masaramusi aya anonzi akaitika pamutumbi waVaPhineas Rapukeni (75) avo vanonzi vakarwara kwenguva refu vari pamba pavo mumusha weSuwoguru, kuMvurwi.
Assistant Inspector Fidelis Dhewu — avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central — vanoti nhengo dzakabviswa pachitunha chemurume uyu iziso rekuruboshwe, nyama yemumusoro, nzeve yekuruboshwe nemuromo wepasi izvo zvakasiya mazino ava pachena.
“Mutumbi wemurume uyu wakawanikwa usina dzimwe nhengo uye mwanakomana wemufi anonzi Barnabas Rapukeni (31) wepanhamba 492, Ward 2 kuMvurwi ndiye akazomhan’ara nyaya iyi.
“Vehukama vane fungidziro yekuti mufi uyu anogona kunge akapondwa, mutumbi wake ukabviswa dzimwe nhengo,” vanodaro Asst Insp Dhewu.
Zvinonzi nemusi wa24 Gumiguru, Jenia Rapukeni (63) anova mudzimai wemushakabvu akaenda kunogeza panzvimbo iri pedyo pedyo nepamba pavo apo akasiya murume wake mumba.
“Jenia Rapukeni anonzi akazodzoka mushure memaminetsi mashoma ndokuwana murume wake afa. Achitarisa, akaona ganda rinovhara ziso neziso racho zvekuruboshwe pasisina zvaita kuchekwa, nzeve yekuruboshwe zvakare pasisina, uye muromo wepasi wachekwa zvichirakidza kuti paiva pashandiswa banga kana kuti chombo chakapinza.
“Amai ava vanonzi vakazotaurira mwana wavo Barnabas Rapukeni zvikaita kuti anomhan’ara kumapurisa ekuMvurwi,” vanodaro Asst Insp Dhewu.
Matikitivha anonzi akazotanga kuferefeta nyaya iyi vakawana mbatya dzemufi dzaaiva akapfeka nemagumbeze zvisina ropa.
“Ronda repakachekwa nzeve raiva nyoro zvisinei kuti paisava neropa raibuda uyezve zvakashamisa kuti sezvo mutumbi uyu waiva nemaronda, hapana kuonekwa ropa kana pamagumbeze,” vanodaro.
Nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa uye mutumbi uyu wakaendeswa kuchipatara cheMvurwi ndokuzodarikidzwa kuParirenyatwa Group of Hospitals kuti unoongororwa.
Asst Insp Dhewu vanokurudzira veruzhinji vangava nezvavanoziva panyaya iyi kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo kana kuridza nhare dzinoti 0774 393 324.



