Musadherere Sungura: Kumene

MUIMBI wesungura, Lucky Kumene, anoti  musambo uyu ndiwo ucharamba uri pamusoro pemimwe yose nekuti vaimbi vacho vari kutsikisa mhanzi inodakadza zvikuru.Achitaura achangopedza kuparura dambarefu rake rechipiri rinonzi Vape Moyo, Kumene – uyo anotsigirwa nechikwata chePower Express – anoti dambarefu rake iri akaribura sechipo cheKisimusi kune vatsigiri vake.

“Vatsigiri vesungura tazovagadzirira mutakunanzva manje gore rino paKisimusi nekuti dambarefu randakavabikira iri ndinotarisira kuti richavanakidza zvikuru.

“Sungura ndiwo musambo wemafaro muno uye ucharamba uri mudariro kuti vatsigiri vedu vagare vachinakirwa nemafaro nguva dzose,” anodaro.

Kumene anonyanya kuzivikanwa nekambo kake kakambonetsa zvikuru kanonzi Tomutsa Dhewa Here? ako akaimbira mushakabvu Tongai Moyo kari padambarefu rake rekutanga — Porongi.

Muchinda uyu anoti parizvino ari  kumhanya-mhanya kuronga mashoo ekushambadza dambarefu rake idzva iri pamwe nekugadzirira DVD renziyo dzacho.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *