Musamhanyire kuSA: Bosso

Abel Ndooka

VATAMBI venhabvu vemuzvikwata zvakasiyana zvinokwikwidza muno vokurudzirwa kuti vasangomhanye kuenda kunotambira kunze kwenyika vasati vaibva nekuti zvinogona kuzovagozhera sezviri kuitika kune vamwe vavo.

Kurudziro iyi yakapihwa nemutevedzeri wasachigaro weHighlanders FC, Modern Ngwenya, muhurukuro yaakaita neKwayedza achiti kune vamwe vatambi vemuno vari kumhanyira kunyika dzakaita seSouth Africa uko vanonotatarika zvikuru.

“Chiri kukuvadza vatambi vedu ndechekuti hongu kuenda kunotambira kunze kunodiwa, unogadzira zita rako uye unowana mari yakawanda worarama hupenyu hwakanaka, asi kunze uko kunopisa.

“Isu muno ndisu tinobika vatambi venhabvu, kuSouth Africa hakubikwe vatambi, uko kunodiwa vatambi vakaibva kare chete. Saka vedu vanoenda ikoko vasati vanyatsoibva vosvika votatarika, wozoona mutambi adzoka muno nekuchimbidza bhora rake raurayiwa, vamwe vanobva vatopera zvachose,” anodaro Ngwenya.

Vamwe vevatambi vakamboenda kunotambira kunze kwenyika vakakurumidza kudzoka vanosanganisira Prince Dube weHighlanders uyo akambobva akanotambira kuSouth Africa uko akatatarika zvikuru ndokuzodzoka.

Milton Ncube – uyo aimbotambira Highlanders zvakare – akaenda kuSouth Africa asi haana kumbogara nguva refu ndokudzoka nekuchimbidza akatanga kutambira zvikwata zvemuno.

Denver Mukamba naRodwell Chinyengetere vakambonozama mhanza zvakare kunze kwenyika asi vakadzoka misoro imire.

Ngwenya anoti vakamboyambira Dube – uyo ari kupisa parizvino mumitambo yeCastle Premiership – kuti asamhanye kuenda kuSouth Africa sezvo akange asati anyatsoibva asi haana kuterera.

Dube mugore ra2017 akabva ndokuenda kuSupersport United yekuSouth Africa uko akanotatarika zvikuru ndokumboendeswa kuBlack Leopards nechikwereti asi hapana chakabudako.

Mugore ra2018, akadzoka kuBosso zvakare akatambirwa nemaoko maviri ndokutanga kubikwa patsva.

“Prince takambomuudza kuti usamhanye kuenda chimbomira umbobikwa futi, asi haana kuterera. Akaenda akadzoka semwana wedu takamutambira uye tiri kumuvaka patsva.

“Iye zvino ndiye mutambi ari kupisa muCastle Premiership. Hakuna mumwe anomukunda parizvino, ari muchikwata chedu totoziva kuti tinohwina chete,” anodaro Ngwenya.

Zvakadai, svondo rino Bosso iri kusangana neZPC Kariba mumutambo weChibuku Super Cup semi-final uyo uchatambirwa kunhandare yeBarbourfields kuBulawayo.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *