Basa revanhu vaMwari mungano

Munyaradzi Gunduza

  1. NGANO dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari, tsigira pfungwa iyi nengano shanu dzinobva mubhuku iri. [25]

Mungano vanhu vaMwari zvinoreva vanhu vanotarisirwa pasi vakaita sezvirema, mapofu, chembere, harahwa pamwe chete nevana vaduku kana tupuka tuduku.

Pasichigare ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu ava sezvo yaive tsika yaVaShona yekuenzanisa vanhu vose ndokusaka vaive netsumo dzinoti kamunhu kamunhu kanozarira bako, uye usashore mbodza neinozvimbira.

Mungano, Vasikana navakomana shumba munobuda pfungwa yokuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari. Izvi zvinobuda apo hanzvadzi ina dzaida kusiya kahanzvadzikomana kadzo kadiki pavaienda kunowanikwa navakomana vavo vavainge vasangana navo patsime. Vasikana ava vanoda kusiya mwana uyu nokuti vaimuti mudiki asi anozovayamura paanogadzira nhava yaanoshandisa kuvatakurisa mushure mekunge vave kuda kudyiwa navakomana vavo vaipinduka kuita shumba.

Kubudirira kunoita kakomana aka mukuyamura hanzvadzi dzako dzaikashora pamwe nekukatarisira pasi kunobudisa kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari sezvo zvaibatsira kuti vanhu vasashore vana vadiki.

Kakomana aka kakakwanisa kuona kuti vakuwasha vako vaipinduka kuita shumba izvo zvaive zvisina kuitwa nehanzvadzi dzako hombe.

Nokuda kwaizvozvo zvinobva zvabudisa pachena kuti ngano dzaivepo kuchengetedza vanhu vaMwari kuburikidza nekuvapa masimba kana njere dzaiita kuti vakunde vanhu vakuru zvinotsigirwa netsumo yekuti usashore mbodza neinozvimbira.

Murungano, Chinyamapezi munobuda pfungwa yekuchengetedza vanhu vaMwari zvakare.

Murungano urwu muna mambo aiva nemwanasikana wake mumwe chete waaida kuti awanikwe nemunhu akashinga. Akamuvakira dara mumuti murefurefu waive nenyuchi, saka aizomuroora aifanira kunomutora mumuti une nyuchi.

Vakomana vose vomuraini vakaedza kukwira mumuti uyu, asi vairumwa nenyuchi vachipedzisira vadonha vasati vasvika kwaive nemwana wamambo.

Zvino rimwe zuva kwakazouya mukomana ainzi Chinyamapezi ainge akashata sezvo muviri wake wainge una maronda maronda emhezi, saka vamwe vakomana vachimuona achiti anoda kumboedzawo kukwira mumuti une mwana wamambo vaitoseka kuti haana chaanokwanisa kuita.

Akapiwa mukana akakwira achirumwa nenyuchi, asi haana kuzviteerera kusvikira asvika paive nenyenye iyi, mwana wamambo.

Chinyamapezi ndiye chete akakwanisa kuroora mwana wamambo.

Mukomana aisekwa achinzi akashata, uye ane maronda akazokwanisa kuwana mwana wamambo.

 

Mubvunzo uyu tinoupedzisa svondo rinouya.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *