musatanist akadashurwa l ‘Ndakaitwa kafiramberi’ l ‘Unokonzeresa tsaona’

TAWANDA Chinyani akabata Xray iyo akatorwa paakaenda kuchipatara cheParirenyatwa mushure mekurohwa kwaakaitwa. - Mifananidzo: Regis Nyandima
TAWANDA Chinyani akabata Xray iyo akatorwa paakaenda kuchipatara cheParirenyatwa mushure mekurohwa kwaakaitwa. – Mifananidzo: Regis Nyandima

MURUME wechidiki wekuDomboshava, wekubuda pachena kuti muSatanist uye kuti iye nevamwe vake vanokonzeresa tsaona vachidya nyama nekunwa ropa revafi, akarohwa zvekuitwa kafiramberi nevanhu vaanoti vaida kumuuraya.

Tawanda Chinyani (32), anogara kwaMakumbe, kwaShe Chinamhora, akatadza kufara nevamwe pazororo reKisimusi neGoredzva richangodarika mushure mekuitwa dititi nechikwata chevarume vashanu apo aiva akwira motokari yavo kuti adzokere kumba kwake achibva kuShow Ground.

Kuburikidza nenyaya iyi, pane murume mumwe chete akatosungwa nemapurisa ekwaChinamhora achipomerwa mhosva yekurova zvekukuvadza Tawanda.

Tawanda akambobuda mubepanhau rino gore rapera achiita kuimba chaiko kuti muSatanist.

Asi sezvayagara ichireva, Kwayedza haina humboo panyaya dzeSatanism sezvo zviri zviitiko zvinonetsa kungoonekwa nemunhuwo zvake.

Nemusi weChipiri svondo rino, rinova zuva rakasungwa mumwe murume nenyaya iyi, Tawanda akarondedzera kuvatori venhau kurohwa kwaakaitwa.

Tawanda anoti akabva kumba kwake zuva rodoka achienda kunotora mari yake yechikwereti kune mumwe munhu waanoti akanga atengesera masimbi.

“Sahwira wangu aiva kwaMungate akandiridzira nhare akati ndisangane naye paShow Ground kuma 8 manheru kuti andipe US$25 yangu. Akazosvika pataifanirwa kusangana apa kuma10 usiku achibva andipa mari yangu ini ndokuchitanga kutsvaga motokari dzekuenda kumusha apo makombi ainetsa. Ndakazomirirwa nekarori kaiva nemashizha embeu yembambaira yaiva yakadonhera mukati zvairatidza kuti kanotakuriswa zvinhu,” akadaro Tawanda.

Anoti paakakwira motokari iyi, yaingova nevarume vaviri, apo vamwe vatatu vakazokwirira pamugwagwa, chinhambwe chipfupi-pfupi kubva paakakwirira.

“Ini ndakazogara nevamwe kumberi tikaita vashanu takamanikidzana, mumwe chete wavo ndokugara kumashure. Asi chakandinetsa ndechokuti ndakada kuti ndigare zvangu kumashure vakandimakidza kuti ndigare kumberi.”

Tawanda anoti akazoda kupa $1 rekubhadhara motokari kuvarume ava avo vakairamba vachiti vaida $2 nekuti kwakanga kusisafambe makombi, iye ndokuvapa.

“Varume ava vakati vaida kunotora mbeu kwaGuzha (munzvimbo iyi) apo vakati vaida kumbotsauka vachinotakura mbeu yembambaira nemuriwo, vozodzoka tichienderera nerwendo,” akadaro Tawanda.

Anoti mumwe wevarume ava akamubvunza kuti aiva iye here Tawanda mukoma waNorman, izvo akabvuma.

“Murume uyu akazoti, ‘Uri shiti yemunhu, ndiwe muSatanist wakauraisa hama dzedu dzakawanda netsaona kusanganisa njodzi yekuHatcliffe. Manje hauchaburuka tinoda kuenda newe tikudzidzise murawu’.

“Akanditi taura kuti waiuraya sei vanhu uye kuti tsaona waidzikonzeresa sei. Ndakaramba kuti ndaiva muSatanist ndaona kuti pangu pakanga papera.”

Tawanda anoti motokari iyi yakanomiswa pazambuko rerwizi Maponga, iro riri pedyo nedzimba dzake, ndokubva varume ava vatanga kumurova zvakasimba mumusoro nekumurovera musoro pamotokari yavo vamwe vachinzi vaitofa kuseka apo iye aizhamba kuchema.

“Vaindirova nemagokora avo mudumbu, padundundu nepose pavaida. Vose vaindibvunza kuti mushonga ndakautora kupi wekuti ndive muSatanist nekuti ropa ndinorinwa sei. Ipapo vakabva vandisunga mawoko newaya yemagetsi,” akadaro.

“Panguva iyi varume ava vakanga vadzima magetsi emotokari yavo mumwe wavo achisvetukira pachipfuva changu achinditsika-tsika. Ndakachema ndikazvirega ndichida kuti vanhu vandinzwe. Pasina nguva ndakabva ndafenda nekurohwa.”

Tawanda anoti akazobatsirwa nevanhu vaive mune imwe kombi yaidarika kuma4 kunze kwave kuyedza iyo yakazomuendesa kuchipatara cheMakumbe Mission.

“Ndakazodarikidzwa kuchipatara cheParirenyatwa ndaonekwa ndakakuvara zvikuru musoro uye ndichirutsa ropa. Ndakagara muchipatara umu kwemazuva mashanu ndokuburitswa,” akadaro Tawanda.

Murume uyu anoti akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaChinamhora mushure mekunge aburitswa muchipatara.

Mumwe wevarume vanonzi vakarova Tawanda, uyo anonzi aiva mutyairi wemota yakamutakura, akasungwa nemusi wasvika vatori venhau uku ndokuonekwa achifambwa naye nemapurisa kuenda kukamba iri munzvimbo iyi.

Motokari inonzi yaiva nevanhu vakarova Tawanda ndeye mhando yeToyota Dyna ine ruvara rwe”blue” iine nhamba dzinoti ACW 3622.

Tawanda achitaura neKwayedza, anoti akanzi nemapurisa aizoenda kudare redzimhosva nemusi weChina chino nekuda kwenyaya iyi.

Vamwe vanonzi vari munyaya iyi vaitsvagwa nemapurisa kusvikira pakudhindwa kwebepanhau rino.

Tawanda anoti varume vakamurova ava vakamutorera girosari raikosha $11 nemari inota $20.

Nguva yadarika, Tawanda akabuda pachena kuKwayedza kuti aiva muSatanist uye aitsvaga rubatsiro rwekuti asiyane nemabasa aya.

Akati aitoziva dzimwe tsaona dzaiitika munyika nemazuva acho.

“Ndakabuda pachena nekuda kwedambudziko iri kuti ndinunurwe kukauya vemachechi vakawanda zvikapera.

“Ndine vanhu vaindivinga pamba pangu vachinditora kuenda neni kunoita mabasa aya asi zvakapera. Zvino handizive kuti ndizvo zvandingafire here uyezve ndakazvipihwa ndisingade ndaenda kunonamatirwa kune imwe chechi muHarare uko ndakasvikonwiswa ropa revanhu,” akadaro.

Anoti dambudziko raachinaro bedzi kuvingwa nenyoka pamba pake idzo anogara achiuraya nguva nenguva.

“Manheru chaiwo (musi weMuvhuro svondo rino) mumba mangu makapinda mukweshwa weshato ndikaiuraya. Kukauyawo imwe yandisingazive ndikaiuraya zvakare.

“Zviri kunzi ropa randakanwa iri haripere nekukurumidza, rinonzi ndiro rinovingwa nenyoka idzi. Vanhu vave kunditya muno uye ndave kuronga kutengesa minda yangu ndiende kumwe kure nekuti vana vangu nemudzimai havagare zvakanaka,” akadaro.

Tawanda anoti ari kungogara achibuda mututu uye pachipfuva pake pari kurwadza.

Pakamboshanyirwa pamusha paTawanda nguva yadarika, vatori venhau veKwayedza vakatambirwa nenyoka yakabuda mumba, iyo yakazorohwa nemunyori uno nedombo ikafa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vakati vaida kutsvaga chaizvo zvakaitika munyaya iyi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×