BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti chirongwa chekuvandudza zvinodzidzwa nevana muzvikoro, cheCirriculum Review Process, chiri kufamba zvakanaka zvikuru uye chichabatsira mukusimudzira dzidzo munyika. Muchinyorwa, gurukota redzidzo, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo riri kunzwa pfungwa dzakasiyana kubva kumapoka akatsaukana pamusoro pechirongwa ichi.
Vanoti veruzhinji, vemasangano pamwe nevakuru vemaindaisitiri vari kupa pfungwa dzavo pamusoro pekuvandudzwa kwedzidzo.
Dr Dokora vanoti vamwe vari kupa mafungiro avo vanosanganisira nhengo dzedare reParamende, varairidzi vemayunivhesiti pamwe nevemakereke. Misangano iri kuitwa zvakare nemamwe mapoka akatsaukana akaia seZimbabwe Defence Forces, Zimbabwe Republic Police, National Association of Secondary Heads neNational Association of Primary Heads,” vakadaro Dr Dokora.
Mamwe masangano akaita seanomirira varairidzi neZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) anotarisirwa kupawo pfungwa dzawo. Cde Dokora vakatenda vose vari kuita kuti chirongwa ichi chibudirire vachiti kuvandudzwa kwedzidzo uku kunobatsira zvikuru sezvo vana vanenge vachizowana fundo inovapa pundutso mune remangwana.




