Musha unongotsva, vanhu vachirohwa

Kingstone Mapupu
DAMBUDZIKO remoto uri kungobatira woga uchipisa dzimba nemidziyo uye vanhu vachitemwa nematombo avasingaone anoapotsera iro rakatarisana neimwe mhuri yekwaMukanganwi, kuBikita mudunhu reMasvingo, rinonzi riri kuenderera mberi.

Mhuri yaVaSimon Makuwe Marume – avo vakashaika mugore ra2010 ndokusiya mudzimai nevana vachigara mubhuku raMakuwe – yashaya zano nekuda kwemanenji aya.

Kana vatori venhau veKwayedza masvondo adarika vakashanyira mhuri iyi vakazvionera pamhuno sefodya apo vakapotserwa nematombo “aingonaya” mumhepo, imwe yedzimba dzepo ndokuzobatira moto.

Mbuya Easther Makuwe

Misha iri kutsva nemoto uri kungotanga woga inosanganisira waMbuya Easther Shava Makuwe Marume (67) vanove amai vemhuri iyi neyevana vavo vanoti Oliver Makuwe (42), Kudakwashe Makuwe (59), Simbarashe Makuwe (44) naLast Makuwe (32).

Kubva pakavamba moto uyu, zvinonzi dzimba dzatsva dzinodarika gumi uye midziyo ichiparadzwa.

Vamwe vakakuvadzwa mukutemwa nematombo ari kubva mumhepo vanosanganisira Mbuya Makuwe, Beauty Mawire (48), Last Makuwe naSekai Makuwe (35).

Last anoti kubva pavashanyirwa neKwayedza mazuva adarika, moto uyu wakambomira zvishoma, uchibva wazotangazve kupisa dzimba nemidziyo.

Last Makuwe

“Moto uyu wakambomira kwesvondo chete, izvozvi watangisa nhasi Chitatu (svondo rapera) rungwanangwana apo dhoo remukati memba yaamai rangotanga kubvira mumba musina vanhu. Tazosvika tichiona rapera kutsva,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Hatisisina pekutangira, takatiza pamusha tave kugara mumamana nekuda kwemashura ari kuitika aya. Tave kutokumbira kwamudzviti kuti vatinzwisisewo nekuti magwaro ose ekufambisa neekuzvarwa hapasisina, tangova vanhu.

“Chikafu chaicho hatina, hembe tasara nedziri pamiviri uye kudya tave kutopona nekupihwa nevamwe.”

Sabhuku wemusha uyu, VaFannuel Makuwe (64), vanoti vaneta nekufambira nyaya iyi kumaporofita nekun’anga.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanogona kuvaridzira nhare dzinoti 0776 419 710, 0773 928 500 kana 0773 540 387.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×