‘Mushonga bedzi kugara kumba’ : Dr Mahomva

Muchaneta Chimuka
DR Agnes Mahomva – avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiri wenyika nedare reCabinet – vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere mitemo yakatarwa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuburikidza nekugara kudzimba kwemazuva 30 akatarwa.
Izvi zvinotevera matanho akatorwa neHurumende ekusimbaradza kurwisa denda iri apo veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare kudzimba kwemazuva 30 anotevera.

“Mitemo mitsva yakaiswa neHurumende ine chinangwa chekuchengetedza utano neupenyu hwevanhu, saka zvakakosha kuti vanhu vambogara kudzimba sezvo nyaya dzechirwere cheCovid-19 dziri kuramba dzichiwanda.

“Tiri kuona kuwanda kwevanhu kumizinda inovheneka chirwere cheCovid-19 nekuti vazhinji vava kuda kuziva pavamire. Saka tiri kuda kuderedza huwandu hwevanhu kumizinda iyoyo tichikurudzira zvekare kuti vanhu vagare kudzimba nekuti hazvibatsiri kuti vangovhenekwa pasina zviratidzo kana fungidziro yechirwere ichi. Mushonga mukuru kugara kumba,” vanodaro.

Kwayedza yakakurukura nevamwe vanhu pamusoro pechirwere ichi avo vanopa mafungiro avo akasiyana.

“Tinotenda zvikuru kuti Hurumende yedu yakazivisa nezvemitemo mitsva yeLockdown kuti vanhu vambogara kudzimba kwemazuva 30 zvichitevera kuwanda kwenyaya dzechirwere cheCovid-19. Asi dambudziko riripo nderekuti tiri muhari chaimo nekuti hatisi kuziva patimire nedenda iri.
“Kudai Hurumende yangopindirawo mukubhadhara chimwe chikamu pamari inodiwa kuti munhu avhenekwe Covid-19. Maraboritari nedzimwe nzvimbo dzinovhenekwa vanhu Covid-19 vari kuda mari iri pakati peUS$60 neUS$70 iyo yatisingakwanise zvachose,” vanodaro VaJosphat Mutema weKudzana 4, muHarare.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Tendai Muuduri vekwaMutare vachiti zvakakosha kuti munhu avhenekwe kana achinge aine fungidziro yekuti ane Covid-19.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×