Musikana (14) abatwa chibharo atumwa kunokwereta hupfu

Muchaneta Chimuka

MWANASIKANA ane makore 14 okuberekwa anonzi akabatwa chibharo mushure mekunge atumwa nababa vake kunokwereta hupfu kumba kwemuvakidzani wavo wechirume kwaMutoko.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii, vanoti mwana uyu akatumwa nababa vake vane makore 57 okuberekwa kumba kwemuvakidani wavo kuti anokwereta hupfu apo akazobatwa chibharo nguva pfupi yadarika.

Anonzi akasvika akagugudza musuwo wemba yekurara yemusungwa uyo akavhura gonhi ndokumudhonzera mumba achibva amubata chibharo kamwechete.

Insp Chazovachii vanoti mwana uyu haana kuzivisa nyaya iyi kuna ani zvake nekudaro musungwa uyu akaenderera mberi achimubata chibharo pamadiro.

“Nomusi wa16 Mbudzi 2025, mumhan’ari akazivisa nyaya iyi kuna sekuru vake avo vane makore 40 okuberekwa mushure mekunge aenda kunogara navo uye zuva rakatevera vakabva vamuperekedza kumapurisa eZRP Mutoko uko akanomhan’ara nyaya iyi,” vanodaro.

Mumhan’ari akaendeswa kuchipatara cheMutoko District Hospital kuti anoongororwa nanachiremba uye mapurisa achiri kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

“Tinokurudzira vanhu munharaunda kuti vasavimbe nemunhu upi zvake panyaya dzemhirizhonga dzepabonde zvisinei nekuti angava munhu wehukama hwavo hwakadini, basa rake kana chinzvimbo chake munharaunda,” vanodaro Insp Chazovachii.

Related Posts

Makore matatu mujeri atema muvakidzani mumusoro nebhodhoro

Danisa Masuku MURUME wekurova muvakidzani wake musoro nebhodhoro redoro rakaputsika, zvikakonzera kuti arasikirwe nekugona kutaura zvakanaka zvachose, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu. Talent Moyo (31), wekuInyathi mudunhu reMatabeleland North, akamiswa…

Murume akadzingwa kuSA awanikwa akafa akarembera mumuti

Tendai Vambe MURUME ane makore 38 ekuberekwa wekuChipinge akawanikwa akarembera mumuti pamba pavo svondo rapera, mushure mekunge anetseka mupfungwa nekuda kwezvinhu zvaakasiya kuSouth Africa paakadzingwa munyika iyoyo. Mutauriri wemapurisa mudunhu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *