Musiyano wemusoro wemunhu newegudo

Munyori weKwayedza
ONGORORO yeKwayedza padandemutande inoratidza kuti pane musiyano mukuru uripo pakati pedehenya remusoro wemunhu newegudo. Zvimwe zvacho ndezvinotevera:

. Musoro wemunhu wakakura kudarika wegudo.

. Munhu ane chirebvu asi bveni harina.

Dehenya regudo neremunhu: Mifananidzo — Google.com

. Munhu ane guma diki asi gudo rine mahobi makuru.

. Mazino emunhu epamberi mapfupi (canine), gudo rine marefi uye akapinza.

. Mhanza yemunhu yakaurunguka asi yegudo yakati pwasharara.

. Munhu ane dehenya rehuropi (braincase) guru pane rebveni.

Dehenya regudo

. Muromo wemunhu uri nechepasi pemhuno asi wegudo uri mberi kwemhuno.

. Bvupa reshaya yemunhu ipfupi pane regudo. – www.google.co.zw

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *