Mutakura wenyimo unogutsa

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
MUTAKURA wenyimo kudya kunovaka muviri uye kuchipa simba kuvanhu vemazera ose zvawo, zvikuru kana munhu ari parwendo.

Svondo rino Plaxedes Mwaiba wekuChipinge anotsanangudza mamwe mabikirwo emutakura uyu.

Zvinodiwa:

Chikari, nyimo, munyu, mvura, mugoti nechibage chishoma

Mabikiro:

Ona kuti nyimo wadzibvisa mateko ose.

Chidzipepeta dzichene wozodzigeza.

Isa muchikari dzifashaire, uchiwedzera mvura apo neapo.

Kanda chibage chishoma zvisangane.

Siya zviibve pamwe chete, wozokanda munyu wakaringana.

Pindura nemugoti kana mugwaku.

Wozodii?

Kana dzanyatsoibva, chibura unakirwe nemhuri! Nyimo dzinodyiwa uchinwira-nwira svutugadzike, mahewu kana mvura chaiyo kuti usadzipwe. Vamwe vanotoseva nadzo sadza.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *